Revelation (4/22)  

1. Shure kwaizvozvo, ndakatarira ndikavona mukova wakazaruka kudenga; nenzwi rokutanga randakanzwa rakaita serehwamanda richitaura neni; richiti: Kwira pano, ndigokuratidza zvinofanira kuitwa shure kwaizvozvo.
2. Pakarepo ndakava muMweya; tarira chigaro chovushe chakagadzwa kudenga, nomumwe agere pachigaro.
3. Iye wakanga agerepo wakanga akafanana nebwe rejaspisi neresardio; kwakanga kunomurarabungu wakakomberedza chigaro chovushe, wakafanana nebwe resmaragdino.
4. Kwakanga kunezvigaro zvovushe zvinamakumi maviri nezvina zvakanga zvakakomberedza chigaro chovushe; napazvigaro pakanga pagere Vakuru vanamakumi maviri navana, vakapfeka nguvo chena; vakanga vanekorona dzendarama pamisoro yavo.
5. Napachigaro chovushe pakanga pachibuda mheni, namanzwi, nokutinhira; nemwenje minomwe yakanga ichipfuta pamberi pechigaro chovushe, iri Mweya minomwe yaMwari.
6. Pamberi pechigaro chovushe pakanga panegungwa rakavonekera, rakafanana nekristaro; napakati pechigaro chovushe, napamativi ose echigaro chovushe, pakanga panezvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure kwazvo.
7. Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chinechiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobururuka.
8. Nezvisikwa zvipenyu izvi zvina zvakanga zvizere nameso kunhivi dzose nomukati; hazvizorori masikati novusiku, zvichiti: Mutsvene mutsvene mutsvene, iye Ishe Jehovha wehondo, wamasimba ose, iye wakanga aripo, uripo, nouchazovuya.
9. Zvino kana zvisikwa zvipenyu izvi zvovigira iye unogara pachigaro chovushe, iye uri mupenyu nokusingaperi-peri, kubwinya, nokukudzwa, nokuvonga,
10. Vakuru vanamakumi maviri navana vowira pasi pamberi paiye ugere pachigaro chovushe vachimunamata iye, uri mupenyu nokusingaperi-peri, vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro chovushe, vachiti:
11. Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvakasikwa nokuda kwenyu.

  Revelation (4/22)