| ← Revelation (22/22) |
| 1. | Zvino wakandiratidza rwizi rwakachena rwemvura yovupenyu, yakapenya sekristaro, inobuda pachigaro chovushe chaMwari necheGwaiana, |
| 2. | pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kunomuti wovupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi anegumi namaviri, uchiita zvibereko zvawo mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi. |
| 3. | Hakuchavi nechinhu chakatukwa; chigaro chovushe chaMwari necheGwaiana chichava mukati maro; varanda vake vachamushumira, vachavona chiso chake; |
| 4. | vuye zita rake richava pahuma dzavo. |
| 5. | Vusiku habwuchazovipo; havatsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva; nokuti Ishe Mwari uchavavhenekera; vachabata vushe nokusingaperi-peri. |
| 6. | Zvino akati kwandiri: Mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi; Ishe, Mwari wemweya yavaporofita, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze varanda vake zvinhu zvoda kuitwa. |
| 7. | Tarirai, ndokurumidza kuvuya; unochengeta mashoko okuporofita kwebhuku iyi wakaropafadzwa. |
| 8. | Ini Johane, ndini ndakanzwa, ndikavona izvozvi. Zvino ndakati ndichinzwa, nokuvona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumwa wakandiratidza izvozvi. |
| 9. | Akati kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe chete newe, nehama dzako, vaporofita, navanochengeta mashoko ebhuku iyi; namata Mwari. |
| 10. | Ipapo akati kwandiri: Usazarira mashoko okuporofita kwebhuku iyi, nokuti nguva yava pedo. |
| 11. | Usina kururama ngaarambe achiita zvisakarurama; unetsvina, ngaarambe a chisvibiswa; wakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene. |
| 12. | Tarirai, ndinokurumidza kuvuya; mubairo wangu ndinawo, kuti ndipe mumwe nomumwe sezvaakabata. |
| 13. | Ndini Arfa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, kutanga nokuguma. |
| 14. | Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nesimba rokuvuya kumuti wovupenyu, vapinde napamasuvo eguta. |
| 15. | Kunze ndiko kunembwa, navaroyi, nemhombwe, navavurayi, navanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema vachidziita. |
| 16. | Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kuti akupupurirei izvozvi pakereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, nyamasase inopenya. |
| 17. | Mweya nomwenga vanoti: Vuya! Naiye unonzwa ngaati: Vuya! Unenyota ngaavuye. Unoda ngaatore mvura yovupenyu asingatengi. |
| 18. | Ndinopupurira mumwe nomumwe unonzwa mashoko okuporofita kwebhuku iyi, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari uchawedzera kwaari madambudziko akanyorwa mubhuku iyi; |
| 19. | kana munhu akabvisa mashoko ebhuku yokuporofita uku, Mwari uchabvisa mugove wake pabhuku yovupenyu, nomuguta dzvene, napazvinhu zvakanyorwa mubhuku iyi. |
| 20. | Iye unopupura izvozvi unoti: Hongu, vuyai Ishe Jesu. |
| 21. | Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive navose. Ameni. |
| ← Revelation (22/22) |