| ← Revelation (21/22) → |
| 1. | Zvino ndakavona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuvura; negungwa rakanga risisipo. |
| 2. | Ini Johane ndikavona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kudenga richibva kunaMwari, rakagadzirwa somwenga wakashongedzerwa murume wake. |
| 3. | Ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: Tarirai, tabernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. |
| 4. | Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokatanga zvapfuvura. |
| 5. | Wakanga agere pachigaro chovushe akati: Tarirai, ndinovandudza zvose akati kwandiri nyora: nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi. |
| 6. | Akati kwandiri: Zvaitwa. Ndini Arfa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa unenyota zvinobva patsime remvura yovupenyu asigatengi. |
| 7. | Unokunda uchagara nhaka yezvinhu izvi: ndichava Mwari wake, iye uchava mwanakomana wangu. |
| 8. | Asi kana vari vanotya, navasingatendi navanyangadzi, navavurayi, nemhombwe, navaroyi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoreva nhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nomoto nesurferi; ndirwo rufu rwechipiri. |
| 9. | Zvino mumwe wavatumwa vanomwe vakanga vane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akavuya kwandiri akasvika akataura neni, achiti: Vuya pano, ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwaiana. |
| 10. | Ipapo wakandiisa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza guta guru Jerusarema dzvene, richiburuka kudenga, richibva kunaMwari, |
| 11. | rinokubwinya kwaMwari; chiedza charo chakanga chakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipisi, rinovonekera sekiristaro; |
| 12. | rakanga rinorusvingo rukuru, rurefu, rakanga rinamasuvo anegumi namaviri; navatumwa vanegumi navaviri pamusuvo, namazita akanyorwa pamusoro pawo, ari mazita amarudzi anegumi namaviri avana vaIsraeri. |
| 13. | Kumabvazuva kwakanga kunamasuvo matatu; kumusoro masuvo matatu, zasi masuvo matatu, nokumavirira masuvo matatu; |
| 14. | rusvingo rweguta rwakanga runenheyo dzinegumi nembiri; napamusoro padzo mazita avaapostora vanegumi navaviri veGwaiana. |
| 15. | Uyo, wakataura neni, wakanga anorutsanga rwendarama rokuyera guta narwo, namasuvo aro norusingo rwaro. |
| 16. | Guta rakanga rakavakwa namativi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamastadia anezvuru zvinegumi nezviviri*; kureba nokufara, nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana. |
| 17. | Akayera rusvingo rwaro, makubiti anezana namakumi mana namana, nechiyero chomunhu, chiri chiyero chomutumwa. |
| 18. | Rusvingo rwaro rwakanga rwakavakwa nejaspisi, vuye guta rakanga riri rendarama, yakaisonaka, yakavonekera kwazvo. |
| 19. | Nheyo dzorusingo rweguta dzakanga dzakashongedzwa namabwe amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipisi; yechipiri yesafiri yetatu yekasidhoni yechina yesimaragidhino; |
| 20. | yechishanu yesardoniksi; yechitanhatu yesardio; yechinomwe yekrisoriti; yorusere yeberiri; yepfumbamwe yetopasi; yegumi yekirisoprasi; yegumi neimwe yehiakinti; yegumi nembiri yaametesti. |
| 21. | Masuvo anegumi namaviri akanga ari amaparera anegumi namaviri; suvo rimwe nerimwe rakanga riri reparera rimwe; nzira yomuguta yakanga iri yendarama yakaisonaka, inoita seinovonekera. |
| 22. | Handina kuvona tembere mukati maro, nokuti Ishe Mwari wamasimba ose neGwaiana itembere yaro. |
| 23. | Guta haritsvaki zuva kana mwedzi, kuti rivhenekerwe nazvo; nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kwairi vhenekera, nomwenje waro ndiro Gwaiana. |
| 24. | Vuye marudzi avaya vanoponeswa achafamba nechiedza charo, madzimambo enyika achavuyisa kubwinya kwawo nokukudzwa kwawo mariri. |
| 25. | Masuvo aro haangatongozarirwi masikati, nokuti vusiku habwuchazovipo. |
| 26. | Vachavuyisa mukati maro kubwinya nokukudzwa kwendudzi. |
| 27. | Mukati maro hamungatongopindi chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza, kana chinenhema; asi avo bedzi vakanyorwa mubhuku yovupenyu yeGwaiana. |
| ← Revelation (21/22) → |