Revelation (21/22)  

1. Zvino ndakavona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuvura; negungwa rakanga risisipo.
2. Ini Johane ndikavona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kudenga richibva kunaMwari, rakagadzirwa somwenga wakashongedzerwa murume wake.
3. Ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: Tarirai, tabernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo.
4. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokatanga zvapfuvura.
5. Wakanga agere pachigaro chovushe akati: Tarirai, ndinovandudza zvose akati kwandiri nyora: nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.
6. Akati kwandiri: Zvaitwa. Ndini Arfa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa unenyota zvinobva patsime remvura yovupenyu asigatengi.
7. Unokunda uchagara nhaka yezvinhu izvi: ndichava Mwari wake, iye uchava mwanakomana wangu.
8. Asi kana vari vanotya, navasingatendi navanyangadzi, navavurayi, nemhombwe, navaroyi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoreva nhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nomoto nesurferi; ndirwo rufu rwechipiri.
9. Zvino mumwe wavatumwa vanomwe vakanga vane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akavuya kwandiri akasvika akataura neni, achiti: Vuya pano, ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwaiana.
10. Ipapo wakandiisa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza guta guru Jerusarema dzvene, richiburuka kudenga, richibva kunaMwari,
11. rinokubwinya kwaMwari; chiedza charo chakanga chakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipisi, rinovonekera sekiristaro;
12. rakanga rinorusvingo rukuru, rurefu, rakanga rinamasuvo anegumi namaviri; navatumwa vanegumi navaviri pamusuvo, namazita akanyorwa pamusoro pawo, ari mazita amarudzi anegumi namaviri avana vaIsraeri.
13. Kumabvazuva kwakanga kunamasuvo matatu; kumusoro masuvo matatu, zasi masuvo matatu, nokumavirira masuvo matatu;
14. rusvingo rweguta rwakanga runenheyo dzinegumi nembiri; napamusoro padzo mazita avaapostora vanegumi navaviri veGwaiana.
15. Uyo, wakataura neni, wakanga anorutsanga rwendarama rokuyera guta narwo, namasuvo aro norusingo rwaro.
16. Guta rakanga rakavakwa namativi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamastadia anezvuru zvinegumi nezviviri*; kureba nokufara, nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana.
17. Akayera rusvingo rwaro, makubiti anezana namakumi mana namana, nechiyero chomunhu, chiri chiyero chomutumwa.
18. Rusvingo rwaro rwakanga rwakavakwa nejaspisi, vuye guta rakanga riri rendarama, yakaisonaka, yakavonekera kwazvo.
19. Nheyo dzorusingo rweguta dzakanga dzakashongedzwa namabwe amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipisi; yechipiri yesafiri yetatu yekasidhoni yechina yesimaragidhino;
20. yechishanu yesardoniksi; yechitanhatu yesardio; yechinomwe yekrisoriti; yorusere yeberiri; yepfumbamwe yetopasi; yegumi yekirisoprasi; yegumi neimwe yehiakinti; yegumi nembiri yaametesti.
21. Masuvo anegumi namaviri akanga ari amaparera anegumi namaviri; suvo rimwe nerimwe rakanga riri reparera rimwe; nzira yomuguta yakanga iri yendarama yakaisonaka, inoita seinovonekera.
22. Handina kuvona tembere mukati maro, nokuti Ishe Mwari wamasimba ose neGwaiana itembere yaro.
23. Guta haritsvaki zuva kana mwedzi, kuti rivhenekerwe nazvo; nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kwairi vhenekera, nomwenje waro ndiro Gwaiana.
24. Vuye marudzi avaya vanoponeswa achafamba nechiedza charo, madzimambo enyika achavuyisa kubwinya kwawo nokukudzwa kwawo mariri.
25. Masuvo aro haangatongozarirwi masikati, nokuti vusiku habwuchazovipo.
26. Vachavuyisa mukati maro kubwinya nokukudzwa kwendudzi.
27. Mukati maro hamungatongopindi chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza, kana chinenhema; asi avo bedzi vakanyorwa mubhuku yovupenyu yeGwaiana.

  Revelation (21/22)