Revelation (20/22)  

1. Zvino ndakavona mutumwa achiburuka kudenga, anekiyi, yegomba rakadzika-dzika, neketani huru muruvoko rwake.
2. Akabata shato, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore anegumi ramazana,
3. akamukandira mugomba rakadzika-dzika, akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake kuti arege kuzonyengera marudzi kusvikira makore anegumi ramazana apera; shure kwaizvozvo unofanira kusunungurwa chinguva chiduku.
4. Ipapo ndakavona zvigaro zvovushe, vakagara pamusoro pazvo, vakapiwa simba rokutonga; ndikavona mweya yavakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwaJesu, nokweshoko raMwari, navose vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, vasina kupiwa chiratidzo pahuma yavo naparuvoko rwavo; vakararama vakabata vushe pamwe chete naKristu makore anegumi ramazana.
5. Vamwe vakafa havana kumukazve kusvikira makore anegumi ramazana apera. Ndiko kumuka kwokutanga.
6. Munhu unomugove pakumuka kwokutanga wakaropafadzwa, mutsvene; rufu rwechipiri harunesimba pamusoro paivava; asi vachava vaPirisita vaMwari navaKristu, vachabata vushe pamwe chete naye makore anegumi ramazana.
7. Zvino kana makore anegumi ramazana apera, Satani uchasunungurwa mutorongo yake,
8. uchabuda kundonyengera marudzi ose ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, aavunganidzire kundorwa; kuwanda kwavo kwa kwakaita sejecha regungwa.
9. Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba misasa yavatsvene neguta rinodikanwa; ipapo moto wakaburuka uchibva kuna Mwari kudenga, ukavaparadza.
10. Zvino Dhiabhorosi, wakavanyengera, akakandwa mudziva romoto nesurferi, panechikara nomuporofita wenhema, kuti varwadzwe masikati novusiku no kusingaperi-peri.
11. Zvino ndakavona chigaro chovushe chikuru chichena, naiye wakanga agere pamusoro pacho, iye, nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo.
12. Ipapo ndakavona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro chovushe; bhuku dzikazarurwa,neimwe bhuku youpenyu ikazarurwa, vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata.
13. Gungwa rikabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu neHadhesi zvikabudisa vakafa vakanga vari mazviri; mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata.
14. Ipapo rufu neHadhesi zvakakandirwa mudziva romoto. Ndirwo rufu rwechipiri, ndiro dziva romoto.
15. Zvino kana munhu akawanikwa asina kunyorwa mubhuku yovupenyu, wakakandirwa mudziva romoto.

  Revelation (20/22)