| ← Revelation (20/22) → |
| 1. | Zvino ndakavona mutumwa achiburuka kudenga, anekiyi, yegomba rakadzika-dzika, neketani huru muruvoko rwake. |
| 2. | Akabata shato, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore anegumi ramazana, |
| 3. | akamukandira mugomba rakadzika-dzika, akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake kuti arege kuzonyengera marudzi kusvikira makore anegumi ramazana apera; shure kwaizvozvo unofanira kusunungurwa chinguva chiduku. |
| 4. | Ipapo ndakavona zvigaro zvovushe, vakagara pamusoro pazvo, vakapiwa simba rokutonga; ndikavona mweya yavakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwaJesu, nokweshoko raMwari, navose vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, vasina kupiwa chiratidzo pahuma yavo naparuvoko rwavo; vakararama vakabata vushe pamwe chete naKristu makore anegumi ramazana. |
| 5. | Vamwe vakafa havana kumukazve kusvikira makore anegumi ramazana apera. Ndiko kumuka kwokutanga. |
| 6. | Munhu unomugove pakumuka kwokutanga wakaropafadzwa, mutsvene; rufu rwechipiri harunesimba pamusoro paivava; asi vachava vaPirisita vaMwari navaKristu, vachabata vushe pamwe chete naye makore anegumi ramazana. |
| 7. | Zvino kana makore anegumi ramazana apera, Satani uchasunungurwa mutorongo yake, |
| 8. | uchabuda kundonyengera marudzi ose ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, aavunganidzire kundorwa; kuwanda kwavo kwa kwakaita sejecha regungwa. |
| 9. | Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba misasa yavatsvene neguta rinodikanwa; ipapo moto wakaburuka uchibva kuna Mwari kudenga, ukavaparadza. |
| 10. | Zvino Dhiabhorosi, wakavanyengera, akakandwa mudziva romoto nesurferi, panechikara nomuporofita wenhema, kuti varwadzwe masikati novusiku no kusingaperi-peri. |
| 11. | Zvino ndakavona chigaro chovushe chikuru chichena, naiye wakanga agere pamusoro pacho, iye, nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo. |
| 12. | Ipapo ndakavona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro chovushe; bhuku dzikazarurwa,neimwe bhuku youpenyu ikazarurwa, vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata. |
| 13. | Gungwa rikabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu neHadhesi zvikabudisa vakafa vakanga vari mazviri; mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. |
| 14. | Ipapo rufu neHadhesi zvakakandirwa mudziva romoto. Ndirwo rufu rwechipiri, ndiro dziva romoto. |
| 15. | Zvino kana munhu akawanikwa asina kunyorwa mubhuku yovupenyu, wakakandirwa mudziva romoto. |
| ← Revelation (20/22) → |