Revelation (2/22)  

1. Nyorera mutumwa wekereke iri paEfeso, uti: Zvanzi naiye wakabata nyeredzi nomwe murovoko rwake rworudyi, unofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama:
2. Ndinoziva mabasa ako, nokutambudzika kwako, nokutsungirira kwako, vuye kuti haudi kuvonana navanhu vakaipa; wakavaidza ivo vanoti, tiri vaapostora, vasi ivo chaivo, ukavawana vari venhema;
3. ukatsungirira nokuva nomoyo murefu nokuda kwezita rangu, ukasaneta.
4. Asi handifari nechinhu icho kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga.
5. Naizvozvo rangarira pawakawa, utendevuke, ugoita mabasa ako okutanga; kana usingaiti saizvozvo, ndichavuya kwawuri, ndikabvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho, kana usingatendevuki.
6. Asi chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neni vo.
7. Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; unokunda, ndichamutendera kuti adye muti wovupenyu, uri muParadhiso yaMwari.
8. Nyorera mutumwa wekereke iri paSmirna, uti: Zvanzi naiye wokutanga nowokupedzisira, wakanga afa, akararama zve:
9. Ndinoziva mabasa ako nokutambudzika kwako novurombo bwako, (asi uri mufumi), nokutuka kwaivo vanoti, tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asi isinagoge raSatani,
10. usatya izvo zvauchatambudzika na zvo. Tarira, Dhiabhorosi woda kuisa vamwe venyu mutorongo, kuti muidzwe; muchatambudzika mazuva anegumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona yovupenyu.
11. Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; unokunda, haangakuvadzwi norufu rwechipiri.
12. Nyorera mutumwa wekereke iri paPergamo, uti: Zvanzi naiye unomunondo, unopinza, unocheka kwose;
13. Ndinoziva mabasa ako vuye kuti, paunogara, ndipo pane chigaro chovushe chaSatani; wakabatisisa zita rangu, ukasaramba kutenda kwangu, kunyange napamazuva aAntipasi, chapupu changu, munhu wangu wakatendeka, wakavurawa pakati penyu, apo panogara Satani.
14. Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti unavamwepo vanobatisisa dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana vaIsraeri, chokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita vupombwe,
15. Nokudaro unavamwe vo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti, chinhu chandinovenga..
16. Naizvozvo tendevuka; kana usingaiti saizvozvo, ndichakurumidza kuvuya kwauri, ndigorwa navo nomunondo womuromo wangu.
17. Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Unokunda, ndichamupa mana yakavanzika, vuye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzwa rakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu, asi naiye unoripiwa.
18. Nyorera mutumwa wekereke iri paTiatira, uti: Zvanzi noMwanakomana waMwari, unameso akafanana nomurazvo womoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya;
19. Ndinoziva mabasa ako, norudo, nokutenda, nokushumira, nokutsungirira kwako, vuye kuti mabasa ako okupedzisira anopfuvura okutanga.
20. Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesibheri, unozviidza muporofitakadzi, vuye unodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite vupombwe, nokudya zvakabayirwa zvifananidzo,
21. Ndakamupa nguva kuti atendevuke; akaramba kutendevuka pakufeva kwake.
22. Tarira, ndoda kumukandira panhovo, navanoita vupombwe naye panhamo huru, kana vasingatendevuki pamabasa avo.
23. Navana vake ndichavavuraya norufu; nekereke dzose dzichaziva kuti ndini ndinonzvera itsvo nomoyo; ndichapa mumwe nomumwe wenyu paakabata napo.
24. Asi kwamuri, imi makasara paTiatira, vose vasine-dzidziso iyi, vasingazivi izvo zvavanoti zvakadzika zvaSatani, ndinoti kwamuri: Handingakutakudziyi mumwe mutoro.
25. Asi batisai izvo zvamunazvo kusvikira ndichivuya.
26. Unokunda achichengeta mabasa angu kusvikira pakupedzisira, ndichamupa simba pamusoro pamarudzi;
27. uchaafudza netsvimbo yedare,sehari dzomuvumbi dzinoputsanyiwa; sezvandakapiwa vo naBaba vangu.
28. Vuye ndichamupa nyamasase.
29. Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.

  Revelation (2/22)