Revelation (17/22)  

1. Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vanendiro nomwe, akavuya akataura neni, achiti: Vuya pano ndichakuratidza kutongwa kwemhombwe huru, inogara pamsoro pemvura zhinji;
2. madzimambo enyika akaita vupomwe nayo, navanogara panyika vakabatwa newaini yovupobwe bwayo.
3. Ipapo wakandiisa kurenje mumweya, ndikavona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere namazita okumhura Mwari, chinemisoro minomwe nenyanga gumi.
4. Mukadzi wakanga akapfeka nguvo tsvuku neshava, akashonga ndarama namabwe anokosha, namaparera, nomuruvoko rwake makanga munomudziyo wendarama uzere nezvinonyangadza netsvina yovupombwe bwake.
5. Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: BABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA.
6. Ipapo ndakavona mukadzi akabatwa neropa ravatsvene, vuye neropa rezvapupu zvaJesu; ndikati ndichimuvona ndikashamiswa nokushamiswa kukuru.
7. Ipapo mutumwa akati kwandiri: Washamiswa neiko? Ndichakuvudza zvakavanzika zvomukadzi, nezvechikara chinomutakura chinemisoro minomwe nenyanga dzinegumi.
8. Chikara chawavona, chaiva po, hachichipo; chodokukwira chichibva mugomba rakadzikadzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku yovupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachivona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, vuye chichazovapo.
9. Ndipo panokufunga kunenjere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe, anogarwa nomukadzi.
10. Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe uripo, mumwe ugere kusvika; kana achisvika, unofanira kugara chinguva chiduku.
11. Chikara chaivapo, chisisipo, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, unondoparadzwa.
12. Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe asi uchapiwa simba samadzimambo pamwe chete nechikara nguva imwe.
13. Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo nevushe bwavo.
14. Ava vacharwa negwaiana, gwaiana richavakunda; nokuti iro ndiro Ishe wamadziShe, namambo wamadzimambo; naivo vanaro ndivanhu vakadanwa vatsvene vakatendeka.
15. Zvino akati kwandiri: mvura yawavona inogarwa nemhobwe,ndivo vanhu, navazhinji namarudzi, nendimi.
16. Nyanga dzinegumi dzawavona nechikara ndivo vachavenga mhobwe, vachaiparadza nokuitorera nguvo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomoto.
17. Nokuti Mwari wakaisa mumoyo yavo kuti vaite kurangarira kwake, vave nokurangarira kumwe, vape chikara vushe bwavo, kusvikira mashoko aMwari aitika.
18. Mukadzi wawavona ndiro guta guru, rinobata vushe bwamadzimambo enyika.

  Revelation (17/22)