| ← Revelation (17/22) → |
| 1. | Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vanendiro nomwe, akavuya akataura neni, achiti: Vuya pano ndichakuratidza kutongwa kwemhombwe huru, inogara pamsoro pemvura zhinji; |
| 2. | madzimambo enyika akaita vupomwe nayo, navanogara panyika vakabatwa newaini yovupobwe bwayo. |
| 3. | Ipapo wakandiisa kurenje mumweya, ndikavona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere namazita okumhura Mwari, chinemisoro minomwe nenyanga gumi. |
| 4. | Mukadzi wakanga akapfeka nguvo tsvuku neshava, akashonga ndarama namabwe anokosha, namaparera, nomuruvoko rwake makanga munomudziyo wendarama uzere nezvinonyangadza netsvina yovupombwe bwake. |
| 5. | Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: BABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA. |
| 6. | Ipapo ndakavona mukadzi akabatwa neropa ravatsvene, vuye neropa rezvapupu zvaJesu; ndikati ndichimuvona ndikashamiswa nokushamiswa kukuru. |
| 7. | Ipapo mutumwa akati kwandiri: Washamiswa neiko? Ndichakuvudza zvakavanzika zvomukadzi, nezvechikara chinomutakura chinemisoro minomwe nenyanga dzinegumi. |
| 8. | Chikara chawavona, chaiva po, hachichipo; chodokukwira chichibva mugomba rakadzikadzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku yovupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachivona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, vuye chichazovapo. |
| 9. | Ndipo panokufunga kunenjere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe, anogarwa nomukadzi. |
| 10. | Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe uripo, mumwe ugere kusvika; kana achisvika, unofanira kugara chinguva chiduku. |
| 11. | Chikara chaivapo, chisisipo, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, unondoparadzwa. |
| 12. | Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe asi uchapiwa simba samadzimambo pamwe chete nechikara nguva imwe. |
| 13. | Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo nevushe bwavo. |
| 14. | Ava vacharwa negwaiana, gwaiana richavakunda; nokuti iro ndiro Ishe wamadziShe, namambo wamadzimambo; naivo vanaro ndivanhu vakadanwa vatsvene vakatendeka. |
| 15. | Zvino akati kwandiri: mvura yawavona inogarwa nemhobwe,ndivo vanhu, navazhinji namarudzi, nendimi. |
| 16. | Nyanga dzinegumi dzawavona nechikara ndivo vachavenga mhobwe, vachaiparadza nokuitorera nguvo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomoto. |
| 17. | Nokuti Mwari wakaisa mumoyo yavo kuti vaite kurangarira kwake, vave nokurangarira kumwe, vape chikara vushe bwavo, kusvikira mashoko aMwari aitika. |
| 18. | Mukadzi wawavona ndiro guta guru, rinobata vushe bwamadzimambo enyika. |
| ← Revelation (17/22) → |