Revelation (15/22)  

1. Zvino ndakavona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru chinoshamisa, ichi: Vatumwa vanomwe vanamadambudziko manomwe okupedzisira, nokuti kutsamwa kwaMwari kwakapera nawo.
2. Ndikavona chakaita segungwa rinovonekera rakavhenganiswa nomoto, naivo vakavuya vakunda chikara nomufananidzo wacho, nechiratidzo chacho nechiverengo chezita racho, vamire pamusoro pegungwa rinovonekera, vanovudimbwa bwaMwari.
3. Vakaimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMwari, norwiyo rweGwaiana, vachiti: Ishe, Mwari wamasimba ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi, Imwi Ishe wavatsvene.
4. Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achavuya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.
5. Shure kwaizvozvo ndakatarira ndikavona tembere yetabernakeri yovuchapupu yokudenga yakazarurwa;
6. mutembere mukabuda vatumwa vanomwe vanamadambudziko manomwe, vakafuka mucheka wakachena unopenyu, vakasungwa pazvifuva zvavo namabhanire endarama.
7. Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama, dzizere nokutsamwa kwaMwari, iye mupenyu nokusingaperiperi.
8. Tembere ikazara novutsi bwunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake; kukasava nomunhu wakagona kupinda patembere, kusvikira madambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.

  Revelation (15/22)