| ← Revelation (15/22) → |
| 1. | Zvino ndakavona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru chinoshamisa, ichi: Vatumwa vanomwe vanamadambudziko manomwe okupedzisira, nokuti kutsamwa kwaMwari kwakapera nawo. |
| 2. | Ndikavona chakaita segungwa rinovonekera rakavhenganiswa nomoto, naivo vakavuya vakunda chikara nomufananidzo wacho, nechiratidzo chacho nechiverengo chezita racho, vamire pamusoro pegungwa rinovonekera, vanovudimbwa bwaMwari. |
| 3. | Vakaimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMwari, norwiyo rweGwaiana, vachiti: Ishe, Mwari wamasimba ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi, Imwi Ishe wavatsvene. |
| 4. | Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achavuya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa. |
| 5. | Shure kwaizvozvo ndakatarira ndikavona tembere yetabernakeri yovuchapupu yokudenga yakazarurwa; |
| 6. | mutembere mukabuda vatumwa vanomwe vanamadambudziko manomwe, vakafuka mucheka wakachena unopenyu, vakasungwa pazvifuva zvavo namabhanire endarama. |
| 7. | Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama, dzizere nokutsamwa kwaMwari, iye mupenyu nokusingaperiperi. |
| 8. | Tembere ikazara novutsi bwunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake; kukasava nomunhu wakagona kupinda patembere, kusvikira madambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera. |
| ← Revelation (15/22) → |