Revelation (14/22)  

1. Zvino ndakatarira, ndikavona Gwaiana rimire pagomo reZiyoni, rinavamwe vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vanezita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo.
2. Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga, senzwi remvura zhinji, vuye senzwi rokutinhira kukuru; nenzwi randakanzwa ranga rakaita seravaridzi vorudimbwa vachiridza vudimbwa bwavo.
3. Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro chovushe, napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, naVakuru; hakunomunhu wakagona kudzidza rwiyo urwu, asi vaya vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vakadzikinurwa vachibva panyika.
4. Ndivo vasina kusvibiswa navakadzi; nokuti vakanaka semhandara. Ndivo vanotevera Gwaiana kwose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kunaMwari nokuGwaiana.
5. Mumuromo mavo hamuna kuvonekwa nhema, havana chavangapomerwa pamberi pechigaro chaMwari.
6. Zvino ndakavona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, aneEvhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose.
7. Akati nenzwi guru: Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, wakasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.
8. ipapo mumwe mutumwa wakatevera, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa kwovupombwe bwaro.
9. ipapo mumwe mutumwa wechitatu wakatevera, akati nenzwi guru: Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruvoko rwake.
10. naiye uchanwa vo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake; uchatambudzwa mumoto nesurferi pamberi pavatumwa vatsvene, napamberi peGwaiana.
11. Vutsi bwokutambudzika kwavo bwunokwira nokusingaperi-peri; havanezororo masikati novusiku, ivo vanonamata chikara nomufananidzo wacho nounogamuchira chiratidzo chezita racho.
12. Ndipo panokutsungirira kwavatsvene, ndivo vanochengeta mirairo yaMwari nokutenda kwaJesu.
13. Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: kwandiri Nyora, uti: Vakafa, vanofira munaShe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hongo, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera.
14. Ipapo ndakatarira, ndikavona gore jena, nomumwe wakaita soMwanakomana womunhu agere pamusoro paro, anekorona yendarama pamusoro wake naparuvoko rwake anejeko rinopinza.
15. Zvino mumwe mutumwa wakabuda mutembere, akadanidzira nenzwi guru kunaiye wakanga agere pamusoro pegore, achiti: Tumai jeko renyu mucheke; nokuti nguva yokucheka yenyu yasvika, nokuti kucheka kwenyika kwaibva.
16. Ipapo wakanga agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ikachekwa.
17. Zvino mumwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, naiye vo anejeko rinopinza.
18. Nomumwe mutumwa wakanga anesimba pamusoro pomoto, akabuda paaritari, akadanidzira nenzwi guru kunaiye wakanga anejeko rinopinza, achiti: Tumai jeko renyu rinopinza, mucheke masumbu omuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa ayo aibva.
19. Ipapo mutumwa wakakandira jeko rake panyika, akacheka muzambiringa wenyika, akazvikandira muchisviniro chikuru chokutsamwa kwaMwari.
20. Chisvinuro chakatsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisvinuro rikasvika pamatomu amabhiza, rikaenda mastadia anechuru chinamazana matanhatu.*

  Revelation (14/22)