Revelation (13/22)  

1. zvino ndakavona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chinenyanga dzinegumi nemisoro minomwe; napamusoro penyanga dzacho pakanga panekorona dzinegumi, napamusoro pemisoro yacho mazita okumhura Mwari.
2. Chikara ichi chandakavona, chakanga chakaita sengwe; netsoka dzacho sedzebere, nomuromo wacho somuromo weshumba; shato ikachipa simba rayo, nechigaro chayo chovushe, namasimba makuru.
3. Mumwe musoro wacho wakanga wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vanga, raifanira kuvuraya, rakanga rapora; nyika yose ikashamiswa ikatevera chikara.
4. Vakanamata shato, nokuti yakapa chikara masimba; vakanamata chikara, vachiti: Ndianiko wakafanana nechikara? Ndianiko unogona kurwa nacho?
5. Ipapo chakapiwa muromo unotaura mashoko makuru nezvokumhura; chakapiwa simba kuti chizviite mwedzi inamakumi mana nemiviri.
6. Chikashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nokumhura zita rake netabernakeri yake naivo vanogara kudenga.
7. Chikapiwa masimba vo kuti chirwe navatsvene, nokuvakunda; chikapiwa masimba vo pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose, nendudzi dzose.
8. Vose vanogara panyika vachachinamata, ivo vasinakunyorwa mazita avo mubhuku yeGwaiana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika.
9. Unenzeve, ngaanzwe.
10. Kana munhu achitapa, uchatapwa, kana munhu achivuraya nomunondo unofanira kuvurawa nomunondo. Ndipo pano kutsungirira nokutenda kwavatsvene.
11. Zvino ndakavona chimwe chikara chichikwira, chichibva panyika; chakanga chinenyanga mbiri segwaiana,, chikataura seshato.
12. Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chinevanga raifanira kuchivuraya.
13. Chinoita zviratidzo zvikuru, zvokuti chinoburusira moto unobva kudenga panyika pamberi pavanhu;
14. chinonyengera vanogara panyika nezviratidzo zvachakapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kunavanogara panyika kuti vaitire chikara mufananaidzo, chiya chakanga chinevanga romunondo chakararama.
15. Chakapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.
16. Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruvoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo;
17. kuti munhu arege kuvapo unogona kutenga nokutengesa, asi iye unechiratidzo, iro zita rechikara kana chiverengo chezita racho.
18. Ndipo panokuchenjera. Unoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.

  Revelation (13/22)