Revelation (10/22)  

1. Zvino ndakavona mumwe mutumwa unesimba achiburuka kudenga, akapfeka gore; murarabungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.
2. Wakanga akabata bhuku duku yakazaruka muruvoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, norworuboswe pamusoro penyika;
3. akadanidzira nenzwi guru seshumba inorira; iye wakati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa manzwi ako.
4. Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti kwandiri: Zarira zvarebwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.
5. Ipapo mutumwa uya wandakavona amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika, wakasimudzira ruvoko rwake rworudyi kudenga,
6. akapika naiye uri mupenyu nokusingaperi-peri, wakasika denga nezvirimo, nenyika nezvirimo, negungwa nezvirimo, kuti nguva haingazovipo.
7. Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.
8. Ipapo inzwi riya randakanzwa richibva kudenga, rakataura zve kwandiri, richiti: Enda utore bhuku yakazaruka iri muruvoko rwomutumwa, umire pamusoro pegungwa napamusoro penyika.
9. Ndikaenda kumutumwa, ndikati kwaari: Ndipei bhuku duku. Iye akati kwandiri: Tora, uidye; ichavavisa mudumbu mako, asi mumuromo mako ichanaka sovuchi.
10. Ipapo ndakatora bhuku duku muruvoko rwomutumwa, ndikaidya; ikanaka mumuromo mangu sovuchi; asi ndakati ndaidya, mudumbu mangu makavaviswa.
11. Vakati kwandiri: Unofanira kuporofita zve pamusoro pavanhu vazhinji, nendudzi, nendimi, namadzimambo.

  Revelation (10/22)