| ← Psalms (99/150) → |
| 1. | Jehovha anobata ushe; vanhu ngavabvunde; Iye agere pakati pamakerubhi; nyika ngaizununguswe. |
| 2. | Jehovha mukuru paZiyoni; Ari kumusoro-soro kwavanhu vose. |
| 3. | Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa; Ndiye Mutsvene. |
| 4. | Simba ramambo rinodawo kururamisa; Imi munosimbisa kururama, Munotonga muchiruramisa pakati paJakobho. |
| 5. | Kudzai Jehovha Mwari wedu, Munamate pachitsiko chetsoka dzake; Ndiye Mutsvene. |
| 6. | Mozisi naAroni pakati pavapirisiti vake, NaSamueri pakati pavanodana zita rake; Vakadana kuna Jehovha, iye akavapindura. |
| 7. | Akataura navo ari mushongwe yegore; Vakachengeta zvipupuriro zvake nomutemo waakavapa. |
| 8. | Makavapindura, Jehovha Mwari wedu; Maiva Mwari aivakanganwira, Kunyange makatsiva zvavaiita. |
| 9. | Kudzai Jehovha Mwari wedu, Namatai pagomo rake dzvene; Nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye Mutsvene. |
| ← Psalms (99/150) → |