| ← Psalms (98/150) → |
| 1. | Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; Nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; Chanza chake chorudyi, noruoko rwake rutsvene, zvakamukundisa. |
| 2. | Jehovha akazivisa kuponesa kwake; Akaratidza pachena kururama kwake pamberi pavahedheni. |
| 3. | Akarangarira ngoni dzake nokutendeka kwake kuimba yaIsiraeri; Migumo yose yapasi yakaona kuponesa kwaMwari wedu. |
| 4. | Pururudzirai Jehovha, pasi pose; Danidzirai, muimbe nomufaro, imbai nziyo dzokurumbidza. |
| 5. | Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza nembira; Nembira, uye nenzwi rokuimba. |
| 6. | Nehwamanda, nenzwi romumanzi Pururudzai pamberi paMambo, Jehovha. |
| 7. | Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mukati maro; Nenyika, navanogaramo. |
| 8. | Nzizi ngadziuchire; Namakomo ngaaimbe pamwechete nomufaro; |
| 9. | Pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga pasi, Achatonga nyika zvakarurama, Navanhu nokururama. |
| ← Psalms (98/150) → |