| ← Psalms (96/150) → |
| 1. | Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; Imbirai Jehovha, pasi pose. |
| 2. | Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; Paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe. |
| 3. | Dudzirai kubwinya kwake pakati pavahedheni, Mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose. |
| 4. | Nokuti Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose. |
| 5. | Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; Asi Jehovha akaita kudenga-denga. |
| 6. | Kukudzwa noumambo zviri pamberi pake; Simba nokunaka zviri panzvimbo yake tsvene. |
| 7. | Ipai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, Ipai Jehovha kukudzwa nesimba. |
| 8. | Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake; Uyai nechipiriso, mupinde muvazhe dzake. |
| 9. | Namatai kuna Jehovha nenguva tsvene; Pasi pose panobvunda pamberi pake. |
| 10. | Itiyi pakati pavahedheni, Jehovha ndiye anobata ushe; Nyikawo yakasimbiswa, kuti irege kuzununguswa; Iye achatonga vanhu zvakarurama." |
| 11. | Kudenga-denga ngakufare, kwazvo; Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mukati maro; |
| 12. | Sango ngarive nomufaro, nezvose zviri mukati maro; Ipapo miti yose yedondo ichaimba nomufaro; |
| 13. | Pamberi paJehovha, nokuti anouya; Nokuti anouya kuzotonga pasi; uchatonga nyika zvakarurama, Nendudzi nokutendeka kwake. |
| ← Psalms (96/150) → |