| ← Psalms (95/150) → |
| 1. | Uyai, tiimbire Jehovha; Ngatipururudzei dombo rokuponeswa kwedu. |
| 2. | Ngatisvike pamberi pake tichivonga, Ngatimupururudzirei namapisarema, |
| 3. | Nokuti Jehovha ndiMwari mukuru, ,Mambo mukuru anokunda vamwari vose. |
| 4. | Nzvimbo dzakadzika dzapasi dziri muruoko rwake; Misoro yamakomo ndeyakewo. |
| 5. | Gungwa nderake, ndiye akariita; Maoko ake akaumba nyika yakaoma. |
| 6. | Uyai, tinamate tikotamire pasi; Ngatipfugame pamberi paJehovha Muiti wedu. |
| 7. | Nokuti ndiye Mwari wedu, Isu tiri vanhu vanofudzwa naye, namakwai oruoko rwake. Nhasi dai muchinzwa henyu inzwi rake! |
| 8. | Regai kuomesa moyo yenyu sapaMeribha, Sapazuva reMasa murenje; |
| 9. | Panguva yandakaidzwa namadzibaba enyu, Vakandiidza, vakaona zvandakaita. |
| 10. | Ndakanza ndine shungu pamusoro porudzi urwo makore makumi mana, Ndikati, `Ndivanhu vakarashika pamoyo yavo, Havana kuziva nzira dzangu;' |
| 11. | Saka ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, Havangazopindi pazororo rangu.' " |
| ← Psalms (95/150) → |