| ← Psalms (94/150) → |
| 1. | Jehovha, Mwari mutsivi, Imi Mwari mutsivi, penyai. |
| 2. | Zvisimudzei, imi Mutongi wenyika; Ipai vanozvikudza sezvavakafanira. |
| 3. | Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhiko, Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhi? |
| 4. | Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza, Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi. |
| 5. | Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, Vachitambudza nhaka yenyu. |
| 6. | Vanouraya chirikadzi nomweni, Nenherera vanodziuraya. |
| 7. | Vachiti, "Jehovha haazvioni, Mwari waJakobho haazvirangariri." |
| 8. | Rangarirai imi vasina njere pakati pavanhu; Nemi mapenzi, muchava vakachenjera rinhiko? |
| 9. | Iye, akasima nzeve, haanganzwi here? Iye, akaumba ziso, haangaoni here? |
| 10. | Iye,anoranga vahedheni, haangarairi here? Iye, anodzidzisa vanhu zivo? |
| 11. | Jehovha anoziva kufunga kwavanhu,) Kuti hazvina maturo. |
| 12. | Akaropafadzwa munhu, anorangwa nemi, Jehovha, lye wamunodzidzisa pamurayiro wenyu; |
| 13. | Kuti mumuzorodzei pamazuva okutambudzika, Kusvikira vakaipa vachererwa gomba. |
| 14. | Nokuti Jehovha haangarashi vanhu vake, Uye haangasiyi nhaka yake. |
| 15. | Nokuti kutonga kuchadzokera kukururama; Vose vane moyo yakarurama vachakutevera. |
| 16. | Ndianiko achandirwira pavaiti vezvakaipa? Ndianiko achandibatsira panavanoita zvakaipa? |
| 17. | Dai Jehovha aisava mubatsiri wangu, Mweya wangu ungadai wakakurumidza kugara pakati mwii. |
| 18. | Panguva yandakati, "Rutsoka rwangu rwotedzemuka," Ngoni dzenyu,Jehovha, dzakanditsigira. |
| 19. | Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu Kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu. |
| 20. | Chigaro chezvakaipa chingashamwaridzana nemi here, Icho chinofunga kuita zvakashata nemitemo yacho? |
| 21. | Vanounganira upenyu hwowakarurama, Vachipa mhosva ropa risina mhosva. |
| 22. | Asi Jehovha ndiye nhare yangu yakasimba; Mwari wangu idombo routiziro hwangu. |
| 23. | Achadzosera pamusoro pavo kutadza kwavo, Achavaparadza pakati pokuita kwavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza. |
| ← Psalms (94/150) → |