Psalms (93/150)  

1. Jehovha anobata ushe; akafuka umambo; Jehovha akafuka simba, akazvisunga chiuno naro; Nyikawo yakateyiwa, haingazununguswi.
2. Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kubva kare; Imi muripo kubva pakusingaperi.
3. Jehovha, Nzizi dzakanzwisa manzwi adzo; Nzizi dzinonzwisa kutinhira kwadzo.
4. Jehovha anokunda manzwi emvura zhinji, Namafungu ane simba egungwa, Jehovha, ari kumusoro, ndiye ane simba.
5. Zvipupuriro zvenyu ndezvamazvokwadi kwazvo; Utsvene hunofanira imba yenyu, Jehovha, nokusingaperi.

  Psalms (93/150)