| ← Psalms (92/150) → |
| 1. | Zvakanaka kuvonga Jehovha, Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusorosoro; |
| 2. | Kuparidza unyoro hwenyu mangwanani, Nokutendeka kwenyu usiku hwose, |
| 3. | Nechinoridzwa chine ungiso gumi, nomutengeranwa; Nenzwi rakanaka pambira. |
| 4. | Nokuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita; Ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu. |
| 5. | Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha! Mifungo yenyu yakadzika kwazvo. |
| 6. | Asina njere haazvizivi; Benzi harinzwisisi izvozvi, |
| 7. | Kana vakaipa vachimera souswa, Uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura; Zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi. |
| 8. | Asi imwi Jehovha muri kumusoro nokusingaperi. |
| 9. | Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu, Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu vachaparara; Vaiti vose vezvakaipa vachaparadzirwa. |
| 10. | Asi runyanga rwangu makarusimudza sorunyanga rwenyati; Ndakazodzwa namafuta matsva. |
| 11. | Ziso rangu rakaona zvakaitirwa vavengi vangu, Nzeve dzangu dzakanzwa zvakaitirwa vaiti vezvakaipa, vakandimukira. |
| 12. | Akarurama achamera somuchindwe; Achakura somusidhari paRebhanoni. |
| 13. | Vakasimwa mumba maJehovha Vachakura muvazhe dzaMwari wedu. |
| 14. | Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo; Vachava vanyoro navatsva; |
| 15. | Kuti vaparidze kuti Jehovha akarurama; Ndiye dombo rangu, hapana chinhu chisina kururama maari. |
| ← Psalms (92/150) → |