Psalms (92/150)  

1. Zvakanaka kuvonga Jehovha, Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusorosoro;
2. Kuparidza unyoro hwenyu mangwanani, Nokutendeka kwenyu usiku hwose,
3. Nechinoridzwa chine ungiso gumi, nomutengeranwa; Nenzwi rakanaka pambira.
4. Nokuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita; Ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu.
5. Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha! Mifungo yenyu yakadzika kwazvo.
6. Asina njere haazvizivi; Benzi harinzwisisi izvozvi,
7. Kana vakaipa vachimera souswa, Uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura; Zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi.
8. Asi imwi Jehovha muri kumusoro nokusingaperi.
9. Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu, Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu vachaparara; Vaiti vose vezvakaipa vachaparadzirwa.
10. Asi runyanga rwangu makarusimudza sorunyanga rwenyati; Ndakazodzwa namafuta matsva.
11. Ziso rangu rakaona zvakaitirwa vavengi vangu, Nzeve dzangu dzakanzwa zvakaitirwa vaiti vezvakaipa, vakandimukira.
12. Akarurama achamera somuchindwe; Achakura somusidhari paRebhanoni.
13. Vakasimwa mumba maJehovha Vachakura muvazhe dzaMwari wedu.
14. Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo; Vachava vanyoro navatsva;
15. Kuti vaparidze kuti Jehovha akarurama; Ndiye dombo rangu, hapana chinhu chisina kururama maari.

  Psalms (92/150)