| ← Psalms (90/150) → |
| 1. | Ishe, makanga muri ugaro hwedu Pamarudzi namarudzi. |
| 2. | Makomo asati azvarwa, Musati matongosika nyika nevhu, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari. |
| 3. | Munodzosera munhu kuguruva; Muchiti, "Dzokai vana vavanhu." |
| 4. | Nokuti kwamuri makore ane chiuru Akangofanana nezuva razuro kana rapfuura, Senguva yokurinda yousiku. |
| 5. | Munovakukura semvura zhinji; vava sehope; Mangwanani vakaita souswa hunomera. |
| 6. | Mangwanani hunotumbuka, hunomera; Madekwana hunodzurwa, ndokusvava. |
| 7. | Nokuti tinopedzwa nokutsamwa kwenyu, Tinotambudzika nehasha dzenyu. |
| 8. | Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, Zvivi zvedu zvakavanzika pachiedza chechiso chenyu. |
| 9. | Nokuti mazuva edu ose anopfuura makatsamwa; Makore edu anopera sorungano. |
| 10. | Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, Kana tine simba makore makumi masere; Asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare-gare aenda, nesu tabhururuka taenda. |
| 11. | Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu, Nehasha dzenyu, kuti mutyiwe zvakafanira here? |
| 12. | Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu, Kuti tizviwanire moyo wakachenjera. |
| 13. | Dzokai Jehovha; kusvikira rinhiko? Muzvidembe pamusoro pavaranda venyu. |
| 14. | Tigutsei mangwanani nengoni dzenyu; Kuti tifarise, tive nomufaro mazuva edu ose. |
| 15. | Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, Namakore atakaona zvakaipa. |
| 16. | Zvamakaita ngazvionekwe navaranda venyu, Nokubwinya kwenyu pamusoro pavana vavo. |
| 17. | Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu; Mutisimbisire basa ramaoko edu; Zvirokwazvo, basa ramaoko edu murisimbise. |
| ← Psalms (90/150) → |