Psalms (9/150)  

1. Ndichavonga Jehovha nomoyo wangu wose; Ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa.
2. Ndichafara nokukufarirai zvikuru; Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.
3. Kana vavengi vangu vachidzokera shure, Vanogumburwa nokupera pamberi penyu.
4. Nokuti mandiruramisira mhosva yangu; Makagara pachigaro choushe muchitonga nokururama.
5. Makatuka vahedheni, makaparadza vakaipa, Makadzima zita ravo nokusingaperi-peri.
6. Vavengi vakapera, vakaparadzwa nokusingaperi; Makaparadza maguta avo, Nechiyeudzo chawo chakaparara.
7. Asi Jehovha agere ari mambo nokusingaperi; Akagadzira chigaro chake choushe kuti atonge.
8. Achatonga nyika nokururama, Achatonga vanhu zvakafanira.
9. Jehovha achava nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa, Nhare yakasimba panguva yokutambudzika.
10. Vanoziva zita renyu vachavimba nemi; Nokuti imi Jehovha hamuna kurasha vanokutsvakai.
11. Imbirai Jehovha nziyo dzokumurumbidza, iye agere paZiyoni; dudzirai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.
12. Nokuti iye, anotsiva ropa, anovarangarira; Haakanganwi kuchema kwavarombo.
13. Ndinzwirei tsitsi, Jehovha; Tarirai, kumanikidzwa kwangu navanondivenga, Imi munondisimudza pamisuo yorufu;
14. Kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kwose; Pamisuo yomukunda weZiyoni, Ndichafarira kuponesa kwenyu.
15. Vahedheni vakanyura mugomba ravakachera; Rutsoka rwavo rwakabatwa mumumbure, wavakavanza.
16. Jehovha wakazvizivisa, akatonga; Akaipa wakateyiwa nebasa ramaoko ake.
17. Vakaipa vachadzokera kuSheori, Ivo vahedheni vose, vakakanganwa Mwari.
18. Nokuti anoshaiwa haangakanganikwi nokusingaperi, Nokutarira kwomurombo hakungaperi nokusingaperi.
19. Simukai Jehovha; munhu ngaarege kukunda; Vahedheni ngavatongwe pamberi penyu.
20. Chivatyisai, Jehovha; Vahedheni ngavazive kuti vanongova vanhu.

  Psalms (9/150)