Psalms (89/150)  

1. Ndichaimba ndichireva ngoni dzaJehovha nokusingaperi; Ndichaparidza nomuromo wangu kutendeka kwenyu kumarudzi namarudzi.
2. Nokuti ndakati, "Ngoni dzichavakwa nokusingaperi, Muchasimbisa kutendeka kwenyu mukudenga-denga mumene.
3. Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, Ndakapika kumuranda wangu Dhavhidhi, ndichiti,
4. â€˜Ndichamisa vana vako nokusingaperi, Nokuvaka chigaro chako choushe kusvikira kumarudzi namarudzi.' "
5. Kudenga-denga kucharumbidza zvishamiso zvenyu, Jehovha; Nokutendeka kwenyuwo paungano yavatsvene.
6. Nokuti ndianiko mudenga rose angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko pakati pavanakomana vaMwari akafanana naJehovha?
7. Iye Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene, Anofanira kutyiwa kupfuura vose vanomupoteredza.
8. Haiwa, Jehovha, Mwari wehondo, Ndianiko ane simba, akafanana nemi, Jehovha? Kutendeka kwenyu kunokukomberedzai.
9. Ndimi munobata kuzvikudza kwegungwa; Kana mafungu aro achisimuka, ndimi munoanyaradza.
10. Makaputsanya Rahabhi, somunhu akaurawa; Makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.
11. Kudenga-denga ndokwenyu, napasi ndopenyuwo; Nyika nezvose zvayo, ndimi makazviteya.
12. Kumusoro nenyasi, ndimi makazvisika; Tabhori neHerimoni anofara nezita renyu.
13. Munoruoko rune simba; Chanza chenyu chine simba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.
14. Kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; Ngoni nezvokwadi zvinokutungamirirai.
15. Vakaropafadzwa vanhu vanoziva inzwi romufaro; Vanofamba, Jehovha, muchiedza chechiso chenyu.
16. Vanofara muzita renyu zuva rose; Vanosimudzwa nokururama kwenyu.
17. Nokuti imi muri kubwinya kwesimba ravo; Runyanga rwedu ruchasimudzwa netsitsi dzenyu.
18. Nokuti nhovo yedu ndeyaJehovha; Namambo wedu ndowoMutsvene waIsiraeri.
19. Panguva iyo makataura navatsvene venyu pakuzviratidza kwenyu, Mukati, "Ndakabatsira mhare; Ndakasimudza mumwe wakasanangurwa pakati pavanhu.
20. Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; Ndakamuzodza namafuta angu matsvene;
21. Chanza changu chichasimbiswa naye; Ruoko rwanguvo ruchamusimbisa.
22. Muvengi haangamumanikidzi; Mwanakomana wezvakaipa haangamutambudzi.
23. Ndichaparadza vadzivisi vake pamberi pake, Ndicharova vanomuvenga.
24. Asi kutendeka kwangu nengoni dzangu zvichava naye; Runyanga rwake ruchasimudzwa nezita rangu.
25. Ndichaisawo ruoko rwake pamusoro pegungwa, Noruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.
26. Iye achadana kwandiri, achiti, `Ndimi baba vangu, Mwari wangu, nedombo rokuponeswa kwangu.'
27. Ndichamuitawo dangwe rangu, Mukuru wamadzimambo apasi.
28. Ndichamuchengetera ngoni dzangu nokusingaperi, Sungano yangu icharamba yakasimba kwaari.
29. Vana vake ndichavagarisawo nokusingaperi, Chigaro chake choushe chichafanana namazuva okudenga.
30. Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, Vakasafamba nezvandakatonga;
31. Kana vakazvidza zvandakatema, Vakasachengeta mirau yangu;
32. Ipapo ndichavaranga neshamhu pamusoro pokudarika kwavo, Uye nokurova pamusoro pokuipa kwavo.
33. Asi handingamutoreri unyoro hwangu chose, Kana kutendera kutendeka kwangu kuitiswa nhema.
34. Sungano yangu handingaizvidzi, Kana kushandura chinhu chakabuda pamuromo wangu.
35. Ndakapika kamwe chete neutsvene hwangu; Handingarevi nhema kuna Dhavhidhi;
36. Vana vake vachavapo nokusingaperi, Chigaro chake choushe chichafanana nezuva pamberi pangu.
37. Chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, Sechapupu chakatendeka chiri kudenga."
38. Asi imi makarasha nokuramba, Makatsamwira muzodzwa wenyu.
39. Makasema sungano yomuranda wenyu; Makazvidza korona yake mukaikandira pasi.
40. Makaputsa madziro ake ose; Makaita nhare dzake matongo.
41. Vose vanopfuura nenzira vanopamba nhumbi dzake; Wava chinhu chinosekwa navaanogara navo.
42. Makasimudza ruoko rworudyi rwavadzivisi vake; Makafadza vavengi vake vose.
43. Zvirokwazvo, munodzosa munondo wake unopinza, Hamuna kumusimbisa pakurwa.
44. Makagumisa kubwinya kwake, Makawisira pasi chigaro chake choushe.
45. Makatapudza mazuva ohujaya hwake; Makamufukidza nokunyara.
46. Jehovha, muchazvivanza nokusingaperi kusvikira rinhiko? Kutsamwa kwenyu kuchapisa somoto kusvikira rinhiko?
47. Haiwa, rangarirai kuti nguva yangu ipfupi kwazvo; Kuti makasikira vana vavanhu vose zvinhu zvisina maturo kwazvo!
48. Ndoupiko munhu angararama akasaona kufa, Angarwira mweya wake pasimba reSheori here?
49. Ishe, unyoro hwenyu hwakare huripiko, Hwamakapika kuna Dhavhidhi nokutendeka kwenyu here?
50. Rangarirai, Ishe, kushorwa kwavaranda venyu; Kuti ndinotakura muchipfuva changu kushora kwavanhu vazhinji;
51. Uko kwakashora vavengi venyu nako, Jehovha, Kwavakashora nako makwara omuzodzwa wenyu.
52. Jehovha ngaavongwe nokusingaperi. Ameni, zvirokwazvo, Ameni.

  Psalms (89/150)