| ← Psalms (88/150) → |
| 1. | Jehovha, Mwari muponesi wangu, Ndakachema masikati nousiku pamberi penyu; |
| 2. | Munyengetero wangu ngaupinde pamberi penyu; Rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu; |
| 3. | Nokuti mweya wangu uzere namatambudziko, Upenyu hwangu hwoswedera kuSheori. |
| 4. | Ndinoverengwa pamwechete navanoburukira kugomba; Ndakafanana nomunhu anoshaiwa mubatsiri; |
| 5. | Ndakarashirwa pakati pavakafa, Savakaurawa vavete mubwiro, Vamusati mucharangarira; Vakagurwa paruoko rwenyu. |
| 6. | Makandiisa mugomba rakadzika-dzika, Panzvimbo dzine rima, makadzika kwazvo. |
| 7. | Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, Makanditambudza namafungu enyu ose. |
| 8. | Makaisa vazikani vangu kure neni; Makandiita chinhu chinonyangadza kwavari; Ndakapfigirwa, handigoni kubuda. |
| 9. | Ziso rangu ropera nemhaka yokutambudzika; Ndakadana kwamuri, Jehovha, zuva rimwe nerimwe, Ndakatambanudzira maoko angu kwamuri. |
| 10. | Mungaitira vakafa zvinoshamisa here? Ko vakaparara vangamuka vakakurumbidzai here? |
| 11. | Hunyoro hwenyu hungaparidzwa mubwiro here? Kana kutendeka kwenyu mukuparadza here? |
| 12. | Zvishamiso zvenyu zvingazikanwa murima here? Nokururama kwenyu panyika yokukanganwa here? |
| 13. | Asi ndakachema kwamuri, Jehovha, Munyengetero wangu uchasvika pamberi penyu mangwanani. |
| 14. | Jehovha, munorashireiko mweya wangu? Munovanzireiko chiso chenyu kwandiri? |
| 15. | Kubva pauduku hwangu ndakanga ndichitambudzwa ndichirwiso-fa; Kana ndichityiswa nemi ndinoshaiwa mano. |
| 16. | Kutsamwa kwenyu kukuru kwakapfuura napamusoro pangu; Kutyisa kwenyu kwakandiparadza. |
| 17. | Zvakandikomberedza zuva rose semvura; Zvakandipoteredza pamwechete. |
| 18. | Iye, anondida, neshamwari yangu, makavaisa kure neni, Nomuzikani wangu ari murima. |
| ← Psalms (88/150) → |