| ← Psalms (86/150) → |
| 1. | Rerekai nzeve dzenyu, Jehovha, ndipindurei; Nokuti ndiri murombo nomushaiwi. |
| 2. | Chengetai mweya wangu; nokuti ndiri mudikanwi wenyu; Haiwa Mwari wangu, ponesai muranda wenyu anovimba nemi. |
| 3. | Ndinzwirei ngoni, Ishe; Nokuti ndinodana kwamuri zuva rose. |
| 4. | Fadzai mweya womuranda wenyu; Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri Ishe wangu. |
| 5. | Nokuti imi, Ishe makanaka, munofarira kukanganwira, Mune ngoni zhinji kuna vose vanodana kwamuri. |
| 6. | Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha kumunyengetero wangu; Teererai inzwi rokukumbira kwangu. |
| 7. | Pazuva rokutambudzika kwangu ndichadana kwamuri, Nokuti muchandipindura. |
| 8. | Hapana akafanana nemi pakati pavamwari, Ishe, Uye hapana mabasa akafanana namabasa enyu. |
| 9. | Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, Ishe, Dzicharumbidza zita renyu. |
| 10. | Nokuti imi muri mukuru, munoita Ndimi Mwari woga. |
| 11. | Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muzvokwadi yenyu, Batanidzai moyo wangu kuti nditye zita renyu. |
| 12. | Ndichakurumbidzai, Ishe Mwari wangu, nomoyo wangu wose, Ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi. |
| 13. | Nokuti ngoni dzenyu ihuru kwandiri; Makarwira mweya wangu pagomba rakadzika-dzika. |
| 14. | Mwari, vanozvikudza vakandimukira, Ungano yavanhu, vanomanikidza, vakatsvaka mweya wangu, Havana kukuisai pamberi pavo. |
| 15. | Asi imi, Ishe muri Mwari une tsitsi nenyasha, Hamukurumidzi kutsamwa, mune ngoni zhinji nezvokwadi. |
| 16. | Ringirai kwandiri, mundinzwire ngoni; Ipai muranda wenyu simba renyu, Muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu. |
| 17. | Ndiratidzei chiratidzo mundiitire zvakanaka; Kuti vanondivenga vazvione, vanyadziswe; Nokuti imi Jehovha, makandibatsira nokundinyaradza. |
| ← Psalms (86/150) → |