Psalms (85/150)  

1. Jehovha, makafarira nyika yenyu; Makadzosa Jakobho pakutapwa.
2. Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, Makafukidza zvivi zvavo zvose.
3. Makabvisa kutsamwa kwenyu kwose; Makazvidzora pahasha dzenyu dzakanyanya.
4. Tidzosei, Mwari muponesi wedu, Gumisai hasha dzenyu kwatiri.
5. Ko mucharamba makatitsamwira nokusingaperi? Muchasvitsa kutsamwa kwenyu kumarudzi namarudzi here?
6. Imi hamungatiraramisizve here, Kuti vanhu venyu vafare nemi?
7. Tiratidzei ngoni dzenyu, Jehovha, Mutipe ruponeso rwenyu.
8. Ndichanzwa zvichataura Mwari Jehovha; Nokuti achataura rugare kuvanhu vake nokuvatsvene vake; Asi ngavarege kudzokerazve kuupenzi.
9. Zvirokwazvo kuponesa kwake kuri pedo navanomutya; Kuti kubwinya kugare munyika yedu.
10. Ngoni nezvokwadi zvakasangana; Kururama norugare zvakatsvodana.
11. Zvokwadi zvinomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kudenga.
12. Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; Nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.
13. Kururama kuchamutungamirira; Kuchagadzirira tsoka dzake nzira.

  Psalms (85/150)