| ← Psalms (84/150) → |
| 1. | Ugaro hwenyu hunodikanwa sei, Imi Jehovha wehondo! |
| 2. | Mweya wangu unoshuva, zvirokwazvo unopanga vazhe dzaJehovha; moyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu. |
| 3. | Zvirokwazvo, shiri yakazviwanira imba, Nyenganyenga yakazviwanira dendere, painoisa vana vayo, Ipo paaritari dzenyu, Jehovha wehondo, Mambo wangu, naMwari wangu. |
| 4. | Vakaropafadzwa vanogara mumba menyu; Vachagara vachikurumbidzai. |
| 5. | Akaropafadzwa munhu ane simba rake mamuri; Anemigwagwa inoenda Ziyoni mumoyo make. |
| 6. | Kana vachipfuura nomumupata wakaoma, vanouita nzvimbo inamatsime; Zvirokwazvo, mvura yomunhuruka inoufukidza nemikomborero. |
| 7. | Vanowedzera simba pasimba ravo, Mumwe nomumwe wavo anosvika pamberi paMwari paZiyoni. |
| 8. | Haiwa, Jehovha wehondo, inzwa munyengetero wangu; teererai nenzeve, Mwari waJakobho. |
| 9. | Tarirai, Mwari, nhovo yedu, Muone chiso chomuzodzwa wenyu. |
| 10. | Nokuti zuva rimwe pavazhe dzenyu rinokunda mamwe ane chiuru pakunaka. Ndinoti zviri nani kuti ndive murindi womukova mumba maMwari wangu, Pakuti ndigare pamatende avane zvakaipa. |
| 11. | Nokuti Jehovha Mwari izuva nenhovo; Jehovha achapa nyasha nokukudzwa; Hapana chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama. |
| 12. | Jehovha wehondo, Akaropafadzwa munhu anovimba nemi. |
| ← Psalms (84/150) → |