Psalms (84/150)  

1. Ugaro hwenyu hunodikanwa sei, Imi Jehovha wehondo!
2. Mweya wangu unoshuva, zvirokwazvo unopanga vazhe dzaJehovha; moyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu.
3. Zvirokwazvo, shiri yakazviwanira imba, Nyenganyenga yakazviwanira dendere, painoisa vana vayo, Ipo paaritari dzenyu, Jehovha wehondo, Mambo wangu, naMwari wangu.
4. Vakaropafadzwa vanogara mumba menyu; Vachagara vachikurumbidzai.
5. Akaropafadzwa munhu ane simba rake mamuri; Anemigwagwa inoenda Ziyoni mumoyo make.
6. Kana vachipfuura nomumupata wakaoma, vanouita nzvimbo inamatsime; Zvirokwazvo, mvura yomunhuruka inoufukidza nemikomborero.
7. Vanowedzera simba pasimba ravo, Mumwe nomumwe wavo anosvika pamberi paMwari paZiyoni.
8. Haiwa, Jehovha wehondo, inzwa munyengetero wangu; teererai nenzeve, Mwari waJakobho.
9. Tarirai, Mwari, nhovo yedu, Muone chiso chomuzodzwa wenyu.
10. Nokuti zuva rimwe pavazhe dzenyu rinokunda mamwe ane chiuru pakunaka. Ndinoti zviri nani kuti ndive murindi womukova mumba maMwari wangu, Pakuti ndigare pamatende avane zvakaipa.
11. Nokuti Jehovha Mwari izuva nenhovo; Jehovha achapa nyasha nokukudzwa; Hapana chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama.
12. Jehovha wehondo, Akaropafadzwa munhu anovimba nemi.

  Psalms (84/150)