| ← Psalms (83/150) → |
| 1. | Haiwa Jehovha, regai kuramba munyerere; Regai kuramba musingatauri, musanyarara Mwari. |
| 2. | Nokuti tarirai, vavengi venyu vanoita bope; Vanokuvengai vakasimudza misoro yavo. |
| 3. | Vanofunga mano kuti vanyengere vanhu venyu, Vanorangana pamusoro pavakavanzwa nemi. |
| 4. | Vakati, "Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi; Kuti zita raIsiraeri rirege kuzorangarirwa." |
| 5. | Nokuti vakarangana nomoyo mumwe; Vanoita sungano kuzorwa nemi. |
| 6. | Matende aEdhomu navaIshimaeri, Moabhu navaHagari; |
| 7. | Gebhari, naAmoni, naAmareki; Firisitia pamwechete navagere Tire; |
| 8. | Asiriawo wakasangana navo; Vakabatsira vana vaRoti. |
| 9. | Muvaitire sezvamakaitira Midhiani; NaSisera, naJabhini, paRwizi Kishoni; |
| 10. | Ivo vakaparadzwa paEndori; Vakava mupfudze wapasi. |
| 11. | Itai vakuru vavo saOrebhi naZeebhi; Zvirokwazvo machinda avo ose saZebha naZarimuna; |
| 12. | Ivo vakati, "Ngatizvitorere Ugaro hwaMwari huve hwedu." |
| 13. | Mwari wangu, muvaite seguruva rinondeyeswa nemhepo; Samakoto anodzingwa nemhepo. |
| 14. | Somoto unopisa dondo, Somurazvo womoto unopisa makomo; |
| 15. | Muvateverere saizvozvo nedutu renyu remhepo, Muvavhunduse nechamupupuri chenyu. |
| 16. | Fukidzai zviso zvavo nokunyadziswa; Kuti vatsvake zita renyu, Jehovha. |
| 17. | Ngavanyadziswe, vavhunduswe nokusingaperi; Zvirokwazvo, ngavanyadziswe vafe; |
| 18. | Vazive kuti imi moga, imi munezita rinonzi Jehovha, Ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose. |
| ← Psalms (83/150) → |