Psalms (81/150)  

1. Imbirai Mwari kwazvo, iye simba redu; Pururudzai kuna Mwari waJakobho.
2. Vambai rwiyo, muridze ngoma, Nembira dzinonakidza nomutengeranwa.
3. Ridzai hwamanda pakugara kwomwedzi, Napakuchena kwomwedzi, pamutambo wedu wakatarwa.
4. Nokuti ndizvo zvakatemerwa Zvakarairwa naMwari waJakobho.
5. Wakazvitema muna Josefa kuti chive chipupuriro, Panguva yaakandorwa nenyika yeIj ipiti; Pandakanzwa rurimi rwandakanga ndisingazivi.
6. "Ndakabvisa mutoro pafudzi rake; Maoko ake akaregedza dengu.
7. Iwe wakadana pakutambudzika, ndikakurwira; Ndakakupindura ndiri panovanda kutinhira; Ndakakuidza pamvura zhinji yeMeribha.
8. Inzwai vanhu vangu, ndikupupurirei; Haiwa Isiraeri, dai waida hako kunditeerera!
9. Ngakurege kuvapo pakati penyu mwari wokumwe; Musanamata kunomumwe mwari wavatorwa.
10. Ndini Jehovha Mwari wako, Akakubudisa panyika yeIjipiti; Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza.
11. Asi vanhu vangu havana kuteerera inzwi rangu; Isiraeri wakandiramba chose.
12. Saka ndakavaregera paukukutu hwemoyo yavo, Kuti vafambe namano avo.
13. Haiwa, dai vanhu vangu vainditeerera havo, Dai Isiraeri aifamba nenzira dzangu!
14. Ndingadai ndakakurumidza kukunda vavengi vavo, Nokurova vadzivisi vavo noruoko rwangu.
15. Vanovenga Jehovha vaizviisa pasi pake; Asi nguva yavo yaivapo nokusingaperi.
16. Angadai aivadyisawo zviyo zvakaisvonaka; Ndaikugutsa nohuchi hunobva padombo."

  Psalms (81/150)