| ← Psalms (81/150) → |
| 1. | Imbirai Mwari kwazvo, iye simba redu; Pururudzai kuna Mwari waJakobho. |
| 2. | Vambai rwiyo, muridze ngoma, Nembira dzinonakidza nomutengeranwa. |
| 3. | Ridzai hwamanda pakugara kwomwedzi, Napakuchena kwomwedzi, pamutambo wedu wakatarwa. |
| 4. | Nokuti ndizvo zvakatemerwa Zvakarairwa naMwari waJakobho. |
| 5. | Wakazvitema muna Josefa kuti chive chipupuriro, Panguva yaakandorwa nenyika yeIj ipiti; Pandakanzwa rurimi rwandakanga ndisingazivi. |
| 6. | "Ndakabvisa mutoro pafudzi rake; Maoko ake akaregedza dengu. |
| 7. | Iwe wakadana pakutambudzika, ndikakurwira; Ndakakupindura ndiri panovanda kutinhira; Ndakakuidza pamvura zhinji yeMeribha. |
| 8. | Inzwai vanhu vangu, ndikupupurirei; Haiwa Isiraeri, dai waida hako kunditeerera! |
| 9. | Ngakurege kuvapo pakati penyu mwari wokumwe; Musanamata kunomumwe mwari wavatorwa. |
| 10. | Ndini Jehovha Mwari wako, Akakubudisa panyika yeIjipiti; Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza. |
| 11. | Asi vanhu vangu havana kuteerera inzwi rangu; Isiraeri wakandiramba chose. |
| 12. | Saka ndakavaregera paukukutu hwemoyo yavo, Kuti vafambe namano avo. |
| 13. | Haiwa, dai vanhu vangu vainditeerera havo, Dai Isiraeri aifamba nenzira dzangu! |
| 14. | Ndingadai ndakakurumidza kukunda vavengi vavo, Nokurova vadzivisi vavo noruoko rwangu. |
| 15. | Vanovenga Jehovha vaizviisa pasi pake; Asi nguva yavo yaivapo nokusingaperi. |
| 16. | Angadai aivadyisawo zviyo zvakaisvonaka; Ndaikugutsa nohuchi hunobva padombo." |
| ← Psalms (81/150) → |