Psalms (8/150)  

1. Haiwa Jehovha, Ishe wedu,Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa umambo hwenyu kudenga.
2. Pamiromo yavacheche navanomwa makaisa simba, Nokuda kwavadzivisi venyu, Kuti munyaradze muvengi nomutsivi.
3. Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu,Mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza;
4. Munhu chinyiko, zvamunomufunga? NoMwanakomana womunhu zvamunomushanyira?
5. Nokuti makamuita muduku zvishoma kuna Mwari, Makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.
6. Makamubatisa ushe hwamabasa amaoko enyu; Makaisa zvose pasi petsoka dzake.
7. Makwai ose nenzombe, Nemhuka dzesango;
8. Neshiri dzokudenga, nehove dzegungwa, Izvo zvose zvinofamba nenzira dzegungwa.
9. Haiwa Jehovha, Ishe wedu, Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

  Psalms (8/150)