Psalms (78/150)  

1. Teererai murayiro wangu, imi vanhu vangu; Rerekerai nzeve dzenyu munzwe mashoko omuromo wangu.
2. Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo; Ndichaparidza mashoko akavanzika ekare,
3. Zvatakanzwa nezvatakaziva, Nezvatakaudzwa namadzibaba edu.
4. Hatingazvivanziri vana vavo, Asi tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha , Nesimba rake, namabasa ake, anoshamisa, aakaita.
5. Nokuti akamutsa chipupuriro pakati. paJakobho, Akatema murayiro pakati paIsiraeri, Akazviraira madzibaba edu, Kuti vazvizivise vana vavo;
6. Kuti rudzi runotevera ruzvizive, ivo vana vachazoberekwa; Ivo vasimuke vazviudze vana vavo;
7. Kuti tariro yavo ive kuna Mwari, Varege kukanganwa mabasa aMwari, Asi vachengete mirairo yake;
8. Varege kufanana namadzibaba avo, Rwakanga ruri rudzi rusingateereri, rwakamukira Mwari. Rudzi rwakaramba kururamisa moyo yavo, Uye mweya yavo yakanga isina kutendeka kuna Mwari.
9. Vana vaEfuraimu, kunyange vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nouta, Vakadzokera shure pazuva rokurwa.
10. Havana kuchengeta sungano yaMwari, Vakaramba kufamba nomurayiro wake;
11. Vakakanganwa zvaakaita, Namabasa ake akashamisa, aakavaratidza.
12. Wakaita zvinhu zvinoshamisa pamberi pamadzibaba avo, Panyika yeIjipiti, pasango reZoani.
13. Wakapamura gungwa, akavayambusa; Akamisa mvura ikafanana nomurwi.
14. Masikatiwo wakavafambisa negore, Nousiku hwose nechiedza chomoto.
15. Wakapamura matombo murenje, Akavanwisa zvakanaka kwazvo sapamvura inobva pakadzika.
16. Akabudisawo hova dzemvura padombo, Akayererisa mvura zhinji yakaita senzizi.
17. Kunyange zvakadaro vakaramba vachimutadzira, Nokumukira Wokumusorosoro murenje.
18. Vakaidza Mwari mumoyo mavo Vachikumbira zvokudya zvavakanga vachidawo.
19. vakapopotera Mozisi Vakati, "Mwari angatigadzirira chokudya murenje here?
20. Tarirai, akarova dombo, mvura zhinji ikadzutuka, Hova dzakayerera; Ko angapa chingwawo here? Ungavigira vanhu vake nyama here?"
21. Saka Jehovha akanzwa, akatsamwa; Moto ukaveserwa Jakobho, Kutsamwa kukamukira Isiraeri;
22. Nokuti havana kutenda Mwari, Havana kuvimba nokuponeswa kwake.
23. Kunyange zvakadaro wakaraira denga rose kumusoro, Akazarura mikova yokudenga;
24. Akanisa mana pamusoro pavo kuti vadye, Akavapa zviyo zvokudenga.
25. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta.
26. Akabudisa mhepo yakabva mabvazuva, ikarira kudenga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake.
27. Akanisawo nyama pamusoro pavo ikaita seguruva, Neshiri, dzina mapapiro, dzikaita sejecha regungwa;
28. Akazviwisira pakati pemisasa yavo, Pose-pose pavakanga vagere.
29. Ipapo vakadya, vakaguta kwazvo; Akavapa zvavakanga vachikarira.
30. Vakanga vasati vanyaradza kukara kwavo, Zvokudya zvavo zvakanga zvichiri mumiromo yavo,
31. Kutsamwa kwaMwari kukavamukira, Akauraya vakakoresa pakati pavo, Akaparadza majaya aIsiraeri.
32. Kunyange zvakadaro vakaramba vachitadza, Vakasatenda mabasa ake aishamisa.
33. Saka akapedza mazuva avo panezvisina maturo, Namakore avo panezvinotyisa.
34. Zvino akati achivauraya, ipapo vakamubvunza , vakashingaira kutsvaka Mwari.
35. Vakarangarira kuti Mwari ndiye dombo ravo, NaMwari Wokumusorosoro mudzikunuri wavo.
36. Asi vakamubata kumeso nemiromo yavo, Vakamurevera nhema nendimi dzavo.
37. Nokuti moyo yavo yakanga isina kururama kwaari, Uye vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
38. Asi iye, zvaakanga ane nyasha huru, akavakanganwira kuipa kwavo, akasavaparadza; Zvirokwazvo, kazhinji akadzora kutsamwa kwake, Akasamutsa hasha dzake dzose.
39. Akarangarira kuti vakanga vari nyama bedzi; Nemhepo, inopfuura, isingadzokizve.
40. Vakamumukira murenje kazhinji sei, Nokumunzwisa shungu mugwenga!
41. Vakapamhidzazve, vakaidza Mwari, Vakadzivisa Mutsvene waIsiraeri.
42. Havana kurangarira ruoko rwake, Kana zuva raakavadzikunura pamudzivisi.
43. Panguva yaakavaratidza zviratidzo zvake Nezvishamiso zvake pasango reZoani;
44. Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa, Nehova dzavo, vakakoniwa kunwa mvura yadzo.
45. Akatuma pakati pavo mapupira enhunzi, dzakavaruma; Namatafi, akavaparadza.
46. Zvibereko zvavo wakazvipa mhunduru, Zvavakabatira akazvipa mhashu.
47. Akaparadza mizambiringa yavo nechimvuramabwe, Nemionde yavo nechando.
48. Mombe dzavo akadziisawo pachimvuramabwe, Zvipfuwo zvavo akazviisa pamheni.
49. Akatuma pakati pavo kutsamwa kwake kukuru, Nehasha neshungu nokutambudza, Rikaita boka ravatumwa vezvakaipa.
50. Akagadzirira kutsamwa kwake nzira; Haana kubvisa mweya wavo parufu, Asi akaisa upenyu hwavo kuhosha;
51. Akarova matangwe ose paIjipiti, Ivo vokutanga vesimba ravo pamatende aHami;
52. Asi akabudisa vanhu vake samakwai, Akavaperekedza murenje seboka rezvipfuwo.
53. Akavafambisa vakafara, vakasatya; Asi gungwa rakafukidza vavengi vavo.
54. Akavasvitsa panyika yake tsvene, Pagomo iri, raakatenga noruoko rwake rworudyi.
55. Akadzingawo ndudzi pamberi pavo, Akavaganhurira ivo vave nhaka yavo, Akagarisa vaIsiraeri pamatende avo.
56. Kunyange zvakadaro vakaidza Mwari Wokumusorosoro, vakamumukira, Vakasachengeta zvipupuriro zvake;
57. Asi vadzoka, vakaita zvinonyengera. Vakatsauka souta hunonyengera.
58. Nokuti vakamutsa kutsamwa kwake namatunhu avo akakwirira, Vakamutsa godo rake nezvifananidzo zvavo zvakaveziwa.
59. Zvino Mwari akati achizvinzwa, akatsamwa kwazvo, Akasema Isiraeri kwazvo-kwazvo.
60. Akabva patabhenakeri yeShiro, Tende raakanga akaisa pakati pavanhu;
61. Akaisa simba rake mukutapwa, Nokubwinya kwake muruoko rwomudzivisi.
62. Vanhu vake wakavaisawo kumunondo; Akatsamwira nhaka yake kwazvo.
63. Moto wakapedza majaya avo; Vasikana vavo havana kuimbirwa pakuwanikwa kwavo.
64. Vapirisiti vavo vakaurawa nomunondo; Chirikadzi dzavo hadzina kuchema.
65. Ipapo Ishe akapepuka somunhu akanga avete, Semhare inoridza mhere nokuda kwewaini.
66. Akarova vadzivisi vake, vakadzokera sure. Akavanyadzisa zvisingaperi.
67. Akarambawo tende raJosefa, Akasanangura rudzi rwaEfuremu.
68. Asi akasanangura rudzi rwaJudha, Negomo reZiyoni raakanga achida.
69. Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare dzakakwirira, Sapasi paakateya nokusingaperi.
70. Akasanangurawo Dhavhidhi muranda wake, Akamubvisa pamatanga amakwai;
71. Akandomutora paaifudza matunzvi aimwisa, Kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, naIsiraeri nhaka yake.
72. Naizvozvo akavafudza nokururama kwomoyo wake; Akavaperekedza nouchenjeri hwamaoko ake.

  Psalms (78/150)