Psalms (77/150)  

1. Ndichadana kuna Mwari nenzwi rangu; kuna iye Mwari nenzwi rangu, acharerekera nzeve yake kwandiri.
2. Pazuva rokutambudzika kwangu ndakatsvaka Ishe; Ruoko rwangu rwakanga rwakatambanudzwa usiku, ndisingaregi; Mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.
3. Ndinorangarira Mwari, ndokushaiwa mufaro; Ndinofungisisa, mweya wangu ndokuziya.
4. Hamutenderi meso angu kutsinzina; Ndinotambudzika, handigoni kutaura.
5. Ndakarangarira mazuva ekare, Makore enguva dzakare-kare.
6. Ndinozviyeudzira kuimba kwangu pakati pousiku; Ndinotaurirana nomoyo wangu; Mweya wangu wakanzvera kwazvo.
7. "Ko Ishe angarasha nokusingaperi? Haachazonzwiri ngoni here?
8. Ko tsitsi dzake dzaenda chose nokusingaperi? Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here?
9. Ko Mwari akanganwa kuva nenyasha? Apfigira tsitsi dzake nyoro pakutsamwa kwake here?"
10. Ipapo ndakati, "Ndihwo utera hwangu, Asi ndicharangarira makore oruoko rworudyi rwoWokumusorosoro."
11. Ndichareva zvakaitwa naJehovha; Nokuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare.
12. Ndichafungisawo basa renyu rose, Nokurangarira zvamakaita.
13. Nzira yenyu, Mwari, iri panzvimbo tsvene; Ndianiko mwari mukuru, akafanana naiye Mwari?
14. Ndimi Mwari anoita zvishamiso; Makaratidza simba renyu pakati pavanhu.
15. Makadzikunura vanhu venyu noruoko rwenyu, Ivo vanakomana vaJakobho naJosefa.
16. Mvura zhinji yakakuonai, Mwari; Mvura zhinji yakakuonai, ikatya; Pakadzika pakabvunda.
17. Makore akadurura mvura; Denga rose rakabudisa inzwi; Miseve yenyu yakafambafamba kwose.
18. inzwi rokutinhira kwenyu rakanga riri muchamupupuri; Mheni dzakavhenekera nyika; Pasi pakabvunda nokuzununguka.
19. Kufamba kwenyu kwakanga kuri mugungwa, Nenzira dzenyu mumvura zhinji-zhinji, Makwara enyu akanga asingazikanwi.
20. Makafambisa vanhu venyu seboka ramakwai, Noruoko rwaMozisi norwaAroni.

  Psalms (77/150)