Psalms (76/150)  

1. Mwari anozikanwa pakati paJudha; Zita rake iguru pakati palsiraeri.
2. PaSaremiwo ndipo pane tabhenakeri yake, NapaZiyoni ugaro hwake.
3. Ndipo paakavhuna miseve youta; Nenhovo, nomunondo, nokurwa.
4. Imi munokubwinya, makanaka kwazvo, Kupfuura makomo ezvakapambwa.
5. Vakatsunga pamoyo, vakapambwa, vakavata hope dzavo; Pakati pavarume vane simba hakuna akawana maoko ake.
6. Pakutuka kwenyu, Mwari waJakobho, Ngoro nebhiza zvose zvinobatwa nehope dzorufu.
7. Imi, iyemi, munofanira kutyiwa; Ndianiko angamira pamberi penyu kana matsamwa?
8. Makanzwisa vanhu kutonga kwenyu kuchibva kudenga; Pasi pakatya, pakanyarara,
9. Panguva yokumuka kwaMwari kuzotonga, Kuti aponese vanyoro vose vapasi.
10. Zvirokwazvo, kutsamwa kwavanhu kuchakurumbidzai; Munozvisunga chiuno nokutsamwa kwakasara.
11. Pikai, muripire Jehovha Mwari wenyu; Vose vakamupoteredza ngavauye nezvipo kuna iye anofanira kutyiwa;
12. Iye achagura mweya yamachinda; Anotyisa kwazvo madzimambo apasi.

  Psalms (76/150)