| ← Psalms (75/150) → | 
| 1. | Tinokuvongai, Mwari; Tinovonga, nokuti zita renyu riri pedo; Vanhu vanoparidza mabasa enyu anoshamisa. | 
| 2. | "Kana ndichiwana nguva yakafanira, Ndichatonga zvakarurama. | 
| 3. | Pasi pose panyauka navose vagerepo; Ndini ndakamisa mbiru dzayo. | 
| 4. | Ndakati.kuna vanamanyawi , `Regai kuita namanyawi;' Nokuna vakaipa, `Regai kusimudza runyanga.' | 
| 5. | Regai kusimudza runyanga rwenyu kudenga; Regai kutaura nomutsipa mukukutu." | 
| 6. | Nokuti kunyange kumabudazuva, kana kumavirira, Kana kurenje, hakuzi ikoko kunobva kukudzwa. | 
| 7. | Asi Mwari ndiye mutongi; Anoninipisa mumwe achikudza mumwe. | 
| 8. | Nokuti muruoko rwaJehovha munomukombe, newaini inopupuma; Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri; Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika vachasvina masese awo, nokuanwa. | 
| 9. | Asi ini ndichaparidza nokusingaperi, Ndichaimbira Mwari waJakobho nziyo dzokurumbidza. | 
| 10. | Nyanga dzose dzavakaipa ndichadzigura; Asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzwa. | 
| ← Psalms (75/150) → |