Psalms (75/150)  

1. Tinokuvongai, Mwari; Tinovonga, nokuti zita renyu riri pedo; Vanhu vanoparidza mabasa enyu anoshamisa.
2. "Kana ndichiwana nguva yakafanira, Ndichatonga zvakarurama.
3. Pasi pose panyauka navose vagerepo; Ndini ndakamisa mbiru dzayo.
4. Ndakati.kuna vanamanyawi , `Regai kuita namanyawi;' Nokuna vakaipa, `Regai kusimudza runyanga.'
5. Regai kusimudza runyanga rwenyu kudenga; Regai kutaura nomutsipa mukukutu."
6. Nokuti kunyange kumabudazuva, kana kumavirira, Kana kurenje, hakuzi ikoko kunobva kukudzwa.
7. Asi Mwari ndiye mutongi; Anoninipisa mumwe achikudza mumwe.
8. Nokuti muruoko rwaJehovha munomukombe, newaini inopupuma; Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri; Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika vachasvina masese awo, nokuanwa.
9. Asi ini ndichaparidza nokusingaperi, Ndichaimbira Mwari waJakobho nziyo dzokurumbidza.
10. Nyanga dzose dzavakaipa ndichadzigura; Asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzwa.

  Psalms (75/150)