| ← Psalms (74/150) → | 
| 1. | Haiwa Mwari, makatirashireiko nokusingaperi? Hasha dzenyu dzinopfungairira makwai amafuro enyu nemhaka yeiko? | 
| 2. | Rangarirai ungano yenyu yamakatenga kare, Yamakadzikunura kuti ruve rudzi rwenhaka yenyu; Gomo reZiyoni pamakanga mugere. | 
| 3. | Simudzai makumbo enyu muone zvakaparadzwa zvisingaperi, Izvo zvakaipa zvose zvakaitwa navavengi panzvimbo tsvene. | 
| 4. | Vadzivisi venyu vakanduruma pakati peungano yenyu; Vakamisa mireza yavo zvive zviratidzo. | 
| 5. | Vakafanana navanhu vakasimudza Masanhu mudondo remiti. | 
| 6. | Zvino zvose zvakavezwa zvayo Vanozviputsa nedimuro nenyundo. | 
| 7. | Vakapisa nzvimbo yenyu tsvene nomoto; Vakashatisa ugaro hwezita renyu vachihuputsira pasi. | 
| 8. | Vakati mumoyo mavo, "Ngativaparadze pamwechete;" Vakapisa nzvimbo dzose pavanounganira Mwari munyika. | 
| 9. | Hatichaoni zviratidzo zvedu; Hapachina muporofita; Pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvichasvikira rinhi. | 
| 10. | Haiwa Mwari, mudzivisi, achashora kusvikira rinhiko? Muvengi acharamba achizvidza zita renyu nokusingaperi here? | 
| 11. | Munodzosereiko ruoko rwenyu, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rutambanudzei pachipfuva chenyu, muvapedze. | 
| 12. | Kunyange zvakadaro Mwari ndiye Mambo wangu kubva kare, Iye anobata mabasa okuponesa pakati penyika, | 
| 13. | Makapamura gungwa nesimba renyu; Makaputsa misoro yezvikara zvegungwa mumvura. | 
| 14. | Makaputsanya misoro yengwena, Makaipa vanhu vagere murenje kuti ive nyama yavo. | 
| 15. | Makapamura tsime neboporodzi; Makapwisa nzizi huru. | 
| 16. | Masikati ndeenyu, nousiku ndohwenyuwo; Ndimi makagadzira chiedza nezuva. | 
| 17. | Ndimi makatara miganho yose yapasi; Ndimi makaita zhizha nechando. | 
| 18. | Rangarirai chinhu ichi, kuti muvengi akakuzvidzai, Jehovha, Uye kuti rudzi rwamapenzi rwakamhura zita renyu. | 
| 19. | Regai henyu kuisa kuchikara mweya wenjiva yenyu; Musakanganwa upenyu hwavarombo venyu. | 
| 20. | Rangarirai sungano; Nokuti nzvimbo dzine rima dzapasi dzizere nougaro hwavamanikidzi. | 
| 21. | Haiwa, vanomanikidzwa ngavarege kudzoka vachinyara; Varombo navashaiwi ngavarumbidze zita renyu. | 
| 22. | Simukai Mwari, muzvireverere mhaka yenyu, Rangarirai kuzvidzwa kwenyu nebenzi zuva rose. | 
| 23. | Regai kukanganwa inzwi ravadzivisi venyu; Bope ravanokumukira rinogara richikwira. | 
| ← Psalms (74/150) → |