Psalms (74/150)  

1. Haiwa Mwari, makatirashireiko nokusingaperi? Hasha dzenyu dzinopfungairira makwai amafuro enyu nemhaka yeiko?
2. Rangarirai ungano yenyu yamakatenga kare, Yamakadzikunura kuti ruve rudzi rwenhaka yenyu; Gomo reZiyoni pamakanga mugere.
3. Simudzai makumbo enyu muone zvakaparadzwa zvisingaperi, Izvo zvakaipa zvose zvakaitwa navavengi panzvimbo tsvene.
4. Vadzivisi venyu vakanduruma pakati peungano yenyu; Vakamisa mireza yavo zvive zviratidzo.
5. Vakafanana navanhu vakasimudza Masanhu mudondo remiti.
6. Zvino zvose zvakavezwa zvayo Vanozviputsa nedimuro nenyundo.
7. Vakapisa nzvimbo yenyu tsvene nomoto; Vakashatisa ugaro hwezita renyu vachihuputsira pasi.
8. Vakati mumoyo mavo, "Ngativaparadze pamwechete;" Vakapisa nzvimbo dzose pavanounganira Mwari munyika.
9. Hatichaoni zviratidzo zvedu; Hapachina muporofita; Pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvichasvikira rinhi.
10. Haiwa Mwari, mudzivisi, achashora kusvikira rinhiko? Muvengi acharamba achizvidza zita renyu nokusingaperi here?
11. Munodzosereiko ruoko rwenyu, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rutambanudzei pachipfuva chenyu, muvapedze.
12. Kunyange zvakadaro Mwari ndiye Mambo wangu kubva kare, Iye anobata mabasa okuponesa pakati penyika,
13. Makapamura gungwa nesimba renyu; Makaputsa misoro yezvikara zvegungwa mumvura.
14. Makaputsanya misoro yengwena, Makaipa vanhu vagere murenje kuti ive nyama yavo.
15. Makapamura tsime neboporodzi; Makapwisa nzizi huru.
16. Masikati ndeenyu, nousiku ndohwenyuwo; Ndimi makagadzira chiedza nezuva.
17. Ndimi makatara miganho yose yapasi; Ndimi makaita zhizha nechando.
18. Rangarirai chinhu ichi, kuti muvengi akakuzvidzai, Jehovha, Uye kuti rudzi rwamapenzi rwakamhura zita renyu.
19. Regai henyu kuisa kuchikara mweya wenjiva yenyu; Musakanganwa upenyu hwavarombo venyu.
20. Rangarirai sungano; Nokuti nzvimbo dzine rima dzapasi dzizere nougaro hwavamanikidzi.
21. Haiwa, vanomanikidzwa ngavarege kudzoka vachinyara; Varombo navashaiwi ngavarumbidze zita renyu.
22. Simukai Mwari, muzvireverere mhaka yenyu, Rangarirai kuzvidzwa kwenyu nebenzi zuva rose.
23. Regai kukanganwa inzwi ravadzivisi venyu; Bope ravanokumukira rinogara richikwira.

  Psalms (74/150)