Psalms (73/150)  

1. Zvirokwazvo Mwari anoitira Isiraeri zvakanaka, Ivo vane moyo yakachena.
2. Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; Makumbo angu akanga otedzemuka.
3. Nokuti ndakanga ndichigodora vana manyawi, Pakuona kwangu kufara kwavakaipa.
4. Nokuti havatambudziki pakufa kwavo; Asi muviri wavo une simba.
5. Havana njodzi savamwe vanhu; Havatambudzwi savamwe vanhu
6. Saka kuzvikudza kwavo kwakafanana noruketani pamitsipa yavo; Kumanikidza kunovafukidza senguvo.
7. Meso avo anobuda nokukora; Zvavanofunga pamoyo zvinofashamira;
8. Vanoseka, vachireva pakuipa kwavo zvinomanikidza vamwe; Vanotaura vachizvikudza.
9. Vakataurira kudenga nemiromo yavo, Ndimi dzavo dzinofamba-famba pasi.
10. Saka vanhu vake vanodzokera ikoko; Vanosvinirwa mvura zhinji, mukombe uzere.
11. Zvino vanoti, "Mwari angaziva seiko? Wokumusorosoro angava nokuziva here?"
12. Tarirai, ndizvo zvakaita vakaipa; Vanowedzera fuma yavo vachingogara vasingatamburi.
13. Zvirokwazvo ndakanatsa moyo wangu pasina, Nokushambidza maoko angu ndisina mhosva;
14. Nokuti ndakatambudzwa zuva rose, Ndakarangwa mangwanani ose.
15. Kana ndaiti, ndichataura kudai; Tarirai, ndainyengera rudzi rwavana venyu.
16. Zvino ndakaramba ndichifunga kuti ndizvinzwisise, Asi zvakandiremera kwazvo;
17. Kusvikira ndapinda panzvimbo tsvene yaMwari, Ndikatarira kuguma kwavo.
18. Zvirokwazvo munovaisa panotedza; Munovawisira pasi kuti vaparadzwe.
19. Haiwa, vanoparadzwa kamwe-kamwe! Vanopedzwa chose nezvinotyisa.
20. Sezvakarotwa, kana munhu apepuka; Saizvozvo, Ishe, muchashora mufananidzo wavo, kana muchimuka.
21. Nokuti moyo wangu wakachema, Ndakabayiwa patsvo dzangu.
22. Ndakanga ndiri benzi, ndisingazivi chinhu; Ndakanga ndakafanana nemhuka pamberi penyu.
23. Kunyange zvakadaro ndinoramba ndinemi; Makabata ruoko rwangu rworudyi.
24. Muchandiperekedza nezano renyu, Ndokuzondigamuchira pakubwinya.
25. Ndianiko kudenga, kana musimi? Napasi hapana wandinoda kunze kwenyu.
26. Nyama yangu nomoyo wangu zvinopera; Asi Mwari ndiye dombo romoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.
27. Nokuti tarirai, vari kure nemi vachapera; Makaparadza vose vakakusiyai noupombwe hwavo.
28. Kana ndirini, kuswedera pedo naye ndizvo zvinondifadza; Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu, Kuti ndiparidze mabasa enyu ose.

  Psalms (73/150)