| ← Psalms (72/150) → |
| 1. | Ipai mambo zvamakatonga, Mwari, Nokururama kwenyu kumwanakomana wamambo. |
| 2. | Achatongera vanhu venyu nokururama, Navarombo venyu achavaruramisira. |
| 3. | Makomo nezvikomo achavigira vanhu rugare,nezvikomo nekururama. |
| 4. | Achatongera varombo vavanhu, Achaponesa vana vavashaiwi, Nokupwanya mumanikidzi. |
| 5. | Vachakutyai kana zuva richipo, Uye kana mwedzi uchipo, kusvikira kumarudzi namarudzi. |
| 6. | Achaburuka iye semvura pauswa hwakagurirwa; Semvura inonaya ichidiridza pasi. |
| 7. | Nemisi yake akarurama achakura zvakanaka; Rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma. |
| 8. | Achabata ushe kubva pagungwa kusvikira pagungwa, Nokubva paRwizi kusvikira kumigumo yapasi. |
| 9. | Vagere pamarenje vachapfugama pamberi pake; Vavengi vake vachananzva guruva. |
| 10. | Madzimambo eTarishishi neezviwi achauya nezvipo; Madzimambo eShebha neSebha vachamuvigira zvipo; |
| 11. | Zvirokwazvo, madzimambo ose achawira pasi pamberi pake; Ndudzi dzose dzichamushumira. |
| 12. | Nokuti acharwira mushaiwi kana achidanidzira; Nomurombo asina mubatsiri. |
| 13. | Achanzwira nyasha murombo nomushaiwi, Achaponesa mweya yavashaiwi. |
| 14. | Achadzikunura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; Ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake; |
| 15. | Iye achararama, achapiwa ndarama yeShebha; Vanhu vacharamba vachimunyengeterera; Vachamuvonga zuva rose. |
| 16. | Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo; Zvibereko zvazvo zvichavhunga seRebhanoni; Vanogara paguta vachakura souswa pasi. |
| 17. | Zita rake richavapo nokusingaperi; Zita rake richagara riripo panguva yose yokuvapo kwezuva; Vanhu vacharopafadzwa maari; Ndudzi dzose dzichati, "Anomufaro." |
| 18. | Jehovha Mwari, iye Mwari waIsiraeri, ngaarumbidzwe, Iye oga anoita zvinoshamisa. |
| 19. | Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; Pasi pose ngapazadzwe nokubwinya kwenyu. Ameni, Ameni. |
| 20. | Minyengetero yaDhavhidhi mwanakomana waJese yapera. |
| ← Psalms (72/150) → |