Psalms (71/150)  

1. Jehovha, ndinovimba nemi; Ngandirege kutongonyadziswa.
2. Ndirwirei mukururama kwenyu, ndisunungurei; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, mundiponese.
3. Ivai dombo rangu mandingagara, kwandingaramba ndichienda; Makaraira kuti ndiponeswe; Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.
4. Ndisunungurei, Mwari wangu, paruoko rwowakaipa, Paruoko rwousina kururama nomunhu anomanikidza.
5. Nokuti imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; Ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu.
6. Ndakatsigirwa nemi kubva pachizvaro; Ndimi makandibudisa padumbu ramai vangu; Ndichakurumbidzai.
7. Ndiri chishamiso kuna vazhinji; Asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba.
8. Muromo wangu uchazadzwa nerumbidzo yenyu, Nekudzo yenyu zuva rose.
9. Regai kundirasha panguva yokukwegura kwangu; Musandisiya kana ndapera simba.
10. Nokuti vavengi vangu vanondireva; Vanogarira mweya wangu, vanorangana,
11. Vachiti, "Mwari amusiya; Teverai, mumubate; nokuti hakuna ungamurwira."
12. Mwari, regai kuva kure neni; Mwari wangu, kurumidzai kundibatsira.
13. Avo vanodzivisa mweya wangu ngavanyadziswe vapere; Vanotsvaka kundikuvadza ngavafukidzwe nokushorwa nokuzvidzwa.
14. Asi ini ndicharamba ndichitarira, Ndicharamba ndichiwedzera kukurumbidzai.
15. Muromo wangu uchareva kururama kwenyu, Nokuponesa kwenyu zuva rose:, Nokuti handizivi kuwanda kwazvo.
16. Ndichauya namabasa ane simba raShe aJehovha; Ndichaparidza kururama kwenyu, iko kwenyu kwoga.
17. Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu; Kusvikira zvino ndadudzira mabasa enyu anoshamisa.
18. Haiwa, kusvikira ndakwegura ndachena vhudzi, Mwari regai kundisiya; Kusvikira ndadudzira simba renyu kurudzi runouya, Nesimba renyu kunomumwe nomumwe anozouya.
19. Kururama kwenyuwo, Mwari, kuri kumusoro-soro; Iyemi makaita zvinhu zvikuru, Mwari, ndianiko akafanana nemi?
20. Iyemi makatiratidza madambudzo mazhinji akaipa, Ndimi muchatiraramisazve, Nokutikwidzazve tibve pakudzika kwapasi.
21. Wedzerai hukuru hwangu, Dzokaizve mundinyaradze.
22. Ndichakurumbidzaiwo nemitengeranwa, Naiyo zvokwadi yenyu, Mwari wangu; Ndichakuimbirai imi nziyo dzokurumbidza nembira, Iyemi Mutsvene walsiraeri.
23. Miromo yangu ichafara kwazvo kana ndichikuimbirai nziyo dzokurumbidza; Nomweya wangu wamakadzikunura.
24. Rurimi rwanguvo ruchataura zuva rose zvokururama kwenyu; Nokuti vanotsvaka kundikuvadza vanyadziswa, vazvidzwa.

  Psalms (71/150)