| ← Psalms (71/150) → |
| 1. | Jehovha, ndinovimba nemi; Ngandirege kutongonyadziswa. |
| 2. | Ndirwirei mukururama kwenyu, ndisunungurei; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, mundiponese. |
| 3. | Ivai dombo rangu mandingagara, kwandingaramba ndichienda; Makaraira kuti ndiponeswe; Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu. |
| 4. | Ndisunungurei, Mwari wangu, paruoko rwowakaipa, Paruoko rwousina kururama nomunhu anomanikidza. |
| 5. | Nokuti imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; Ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu. |
| 6. | Ndakatsigirwa nemi kubva pachizvaro; Ndimi makandibudisa padumbu ramai vangu; Ndichakurumbidzai. |
| 7. | Ndiri chishamiso kuna vazhinji; Asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba. |
| 8. | Muromo wangu uchazadzwa nerumbidzo yenyu, Nekudzo yenyu zuva rose. |
| 9. | Regai kundirasha panguva yokukwegura kwangu; Musandisiya kana ndapera simba. |
| 10. | Nokuti vavengi vangu vanondireva; Vanogarira mweya wangu, vanorangana, |
| 11. | Vachiti, "Mwari amusiya; Teverai, mumubate; nokuti hakuna ungamurwira." |
| 12. | Mwari, regai kuva kure neni; Mwari wangu, kurumidzai kundibatsira. |
| 13. | Avo vanodzivisa mweya wangu ngavanyadziswe vapere; Vanotsvaka kundikuvadza ngavafukidzwe nokushorwa nokuzvidzwa. |
| 14. | Asi ini ndicharamba ndichitarira, Ndicharamba ndichiwedzera kukurumbidzai. |
| 15. | Muromo wangu uchareva kururama kwenyu, Nokuponesa kwenyu zuva rose:, Nokuti handizivi kuwanda kwazvo. |
| 16. | Ndichauya namabasa ane simba raShe aJehovha; Ndichaparidza kururama kwenyu, iko kwenyu kwoga. |
| 17. | Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu; Kusvikira zvino ndadudzira mabasa enyu anoshamisa. |
| 18. | Haiwa, kusvikira ndakwegura ndachena vhudzi, Mwari regai kundisiya; Kusvikira ndadudzira simba renyu kurudzi runouya, Nesimba renyu kunomumwe nomumwe anozouya. |
| 19. | Kururama kwenyuwo, Mwari, kuri kumusoro-soro; Iyemi makaita zvinhu zvikuru, Mwari, ndianiko akafanana nemi? |
| 20. | Iyemi makatiratidza madambudzo mazhinji akaipa, Ndimi muchatiraramisazve, Nokutikwidzazve tibve pakudzika kwapasi. |
| 21. | Wedzerai hukuru hwangu, Dzokaizve mundinyaradze. |
| 22. | Ndichakurumbidzaiwo nemitengeranwa, Naiyo zvokwadi yenyu, Mwari wangu; Ndichakuimbirai imi nziyo dzokurumbidza nembira, Iyemi Mutsvene walsiraeri. |
| 23. | Miromo yangu ichafara kwazvo kana ndichikuimbirai nziyo dzokurumbidza; Nomweya wangu wamakadzikunura. |
| 24. | Rurimi rwanguvo ruchataura zuva rose zvokururama kwenyu; Nokuti vanotsvaka kundikuvadza vanyadziswa, vazvidzwa. |
| ← Psalms (71/150) → |