Psalms (7/150)  

1. Jehovha Mwari wangu, ndinovimba nemi; Ndiponesei kuna vose vanonditeverera, mundirwire;
2. Kuti arege kubvambura mweya wangu seshumba, aubvamburanye, ndichishaiwa anondirwira.
3. Jehovha Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvozvi; Kana zvakaipa zvirimo mumaoko angu;
4. Kana ndichinge ndakaitira zvakaipa munhu aiva noukama neni; (Izvo, ndakarwira waiva mudzivisi wangu asina mhosva;)
5. Muvengi ngaateverere mweya wangu, aubate; Ngaatsikire upenyu hwangu pasi, Aise kukudzwa kwangu muguruva.
6. Simukai Jehovha, pakutsamwa kwenyu, Simukirai hasha dzavadzivisi vangu; Mumuke nokuda kwangu; ndimi makaraira kuti zvakarurama zviitwe.
7. Ungano yendudzi dzavanhu ngaikupoteredzei; Mudzokere kumusoro pamusoro pavo.
8. Jehovha anotonga ndudzi dzavanhu; Nditongei Jehovha sokururama kwangu, uye nezvokwadi zviri mandiri.
9. Haiwa, kuipa kwavakaipa ngakugume, asi simbisai akarurama; Nokuti Mwari akarurama anoidza moyo netsvo.
10. nhovo yangu iri kuna Mwari, Iye anoponesa vane moyo yakarurama.
11. Mwari mutongi akarurama, Zvirokwazvo, ndiMwari unosvotwa zuva rimwe nerimwe.
12. Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; Akakunga uta hwake, akahugadzira.
13. Akazvigadzirirawo nhumbi dzokuuraya nadzo; Anozviitira miseve inopisa.
14. Tarira, anotambudzika pakubereka zvakaipa; Zvirokwazvo, akava nemimba yezvakashata, akabereka nhema.
15. Akachera hunza, akaidzikisa, Akawira mugomba raakachera iye.
16. Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake amene, Uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro pedehenya rake.
17. Ndichavonga Jehovha nokuda kwokururama kwake; Ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro soro.

  Psalms (7/150)