| ← Psalms (7/150) → |
| 1. | Jehovha Mwari wangu, ndinovimba nemi; Ndiponesei kuna vose vanonditeverera, mundirwire; |
| 2. | Kuti arege kubvambura mweya wangu seshumba, aubvamburanye, ndichishaiwa anondirwira. |
| 3. | Jehovha Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvozvi; Kana zvakaipa zvirimo mumaoko angu; |
| 4. | Kana ndichinge ndakaitira zvakaipa munhu aiva noukama neni; (Izvo, ndakarwira waiva mudzivisi wangu asina mhosva;) |
| 5. | Muvengi ngaateverere mweya wangu, aubate; Ngaatsikire upenyu hwangu pasi, Aise kukudzwa kwangu muguruva. |
| 6. | Simukai Jehovha, pakutsamwa kwenyu, Simukirai hasha dzavadzivisi vangu; Mumuke nokuda kwangu; ndimi makaraira kuti zvakarurama zviitwe. |
| 7. | Ungano yendudzi dzavanhu ngaikupoteredzei; Mudzokere kumusoro pamusoro pavo. |
| 8. | Jehovha anotonga ndudzi dzavanhu; Nditongei Jehovha sokururama kwangu, uye nezvokwadi zviri mandiri. |
| 9. | Haiwa, kuipa kwavakaipa ngakugume, asi simbisai akarurama; Nokuti Mwari akarurama anoidza moyo netsvo. |
| 10. | nhovo yangu iri kuna Mwari, Iye anoponesa vane moyo yakarurama. |
| 11. | Mwari mutongi akarurama, Zvirokwazvo, ndiMwari unosvotwa zuva rimwe nerimwe. |
| 12. | Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; Akakunga uta hwake, akahugadzira. |
| 13. | Akazvigadzirirawo nhumbi dzokuuraya nadzo; Anozviitira miseve inopisa. |
| 14. | Tarira, anotambudzika pakubereka zvakaipa; Zvirokwazvo, akava nemimba yezvakashata, akabereka nhema. |
| 15. | Akachera hunza, akaidzikisa, Akawira mugomba raakachera iye. |
| 16. | Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake amene, Uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro pedehenya rake. |
| 17. | Ndichavonga Jehovha nokuda kwokururama kwake; Ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro soro. |
| ← Psalms (7/150) → |