| ← Psalms (69/150) → |
| 1. | Ndiponesei, Mwari, Nokuti mvura zhinji yasvikira pamweya wangu. |
| 2. | Ndinonyura munhope yakadzika, pokumira Ndakasvika pamvura zhinji yakadzika, pandinofukidzwa nenzizi. |
| 3. | Ndaneta nokuchema kwangu; huro dzangu dzaoma; Meso angu anovava nokurindira Mwari wangu. |
| 4. | Vanondivenga ndisina mhosva vazhinji kupfuura vhudzi romusoro wangu; Avo vanoda kundiparadza vane simba, kunyange vachindivenga ndisina mhosva; Ndakafanira kudzosera zvandinenge ndisina kutora. |
| 5. | Mwari munoziva upenzi hwangu; Mhosva dzangu hadzina kukuvanzirwai. |
| 6. | Ishe Mwari wehondo, vanokurindirai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu; Mwari waIsiraeri, vanokutsvakai ngavarege kuzvidzwa nokuda kwangu. |
| 7. | Nokuti ndakatenda kushorwa nokuda kwenyu; Kunyadza kwakafukidza chiso changu. |
| 8. | Ndakava mutorwa kuhama dzangu, Nomubvakure kuvana vamai vangu. |
| 9. | Nokuti kushingairira imba yenyu kwakandipedza; Nokushora, kwavanokushorai kwakawira pamusoro pangu. |
| 10. | Panguva yokuchema kwangu nokutambudza mweya wangu ndichizvinyima, Ndakashorwa nokuda kwazvo. |
| 11. | Panguva yandakafuka masaga ndikaaita nguvo dzangu, Ndakava shumo pakati pavo. |
| 12. | Vanogara pasuo vanondireva; Ndiri chiimbo chavakabatwa nedoro. |
| 13. | Asi kana ndirini, munyengetero wangu uri kwamuri, Ishe, panguva yakafanira; Mwari, netsitsi dzenyu zhinji Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka. |
| 14. | Ndirwirei munhope, ndirege kunyura; Ndirwirwe kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika. |
| 15. | Boporodzi remvura rirege kundikunda, Mvura yakadzika irege kundimedza; Gomba rirege kuzarira muromo waro pamusoro pangu. |
| 16. | Ndipindurei, Jehovha; nokuti unyoro hwenyu hwakanaka; Ringirai kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji. |
| 17. | Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; Nokuti ndiri pakutambudzika; kurumidzai kundipindura. |
| 18. | Swederai kumweya wangu, muudzikunure; Ndidzikunurei nokuda kwavavengi vangu. |
| 19. | Munoziva kushorwa kwangu, nokunyadzwa kwangu nokuzvidzwa kwangu Vadzivisi vangu vose vari mberi kwangu. |
| 20. | Kushora kwakaputsa moyo wangu; ndaremerwa kwazvo; Ndakatsvaka vangandinzwira nyasha, asi kwakanga kusino munhu; Ndakatsvaka vavaraidzi, asi handina kuwana nomumwe. |
| 21. | Vakandipa nduru zvive zvokudya zvangu; Pakunzwa nyota kwangu vakandinwisa vhiniga. |
| 22. | Tafura yavo ngaive musungo pamberi pavo; Neriva, kana vakagarika havo. |
| 23. | Meso avo ngaapofumadzwe, varege kuona, Zviuno zvavo ngazvirambe zvichiguda-guda. |
| 24. | Dururai kutsamwa kwenyu pamusoro pavo, Hasha dzenyu dzinopfuta, ngadzivabate. |
| 25. | Ugaro hwavo ngahuparadzwe; Ngakurege kuva nomunhu anogara pamatende avo. |
| 26. | Nokuti vanotambudza uyo wamakarova; Vanotaura zvokurwadziwa kwavaya vamakakuvadza. |
| 27. | Wedzerai zvakaipa pazvakaipa zvavo; Ngavarege kupinda pakururama kwenyu. |
| 28. | Ngavadzimwe parugwaro rwoupenyu, Varege kunyorwa pamwechete navakarurama. |
| 29. | Asi ini ndiri murombo, ndinorwadziwa; Kuponesa kwenyu, Mwari, ngakundiise pakakwirira. |
| 30. | Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, Ndichamukudza nokuvonga. |
| 31. | Izvo zvichafadza Jehovha kupfuura nzombe, Kana hando ine nyanga namahwanda. |
| 32. | Vanyoro vakazviona vakafara; Imi munotsvaka Mwari, moyo yenyu ngairarame. |
| 33. | Nokuti Jehovha anonzwa vashaiwi, Haashori vasungwa vake. |
| 34. | Kudenga napasi ngazvimurumbidze, Makungwa, nezvose zvinopfakanyikamo. |
| 35. | Nokuti Mwari achaponesa Ziyoni, nokuvaka maguta aJudha, Vachagaramo, ive nhaka yavo. |
| 36. | Ichava nhaka yavana vavaranda vake; Vanoda zita rake vachagaramo. |
| ← Psalms (69/150) → |