Psalms (69/150)  

1. Ndiponesei, Mwari, Nokuti mvura zhinji yasvikira pamweya wangu.
2. Ndinonyura munhope yakadzika, pokumira Ndakasvika pamvura zhinji yakadzika, pandinofukidzwa nenzizi.
3. Ndaneta nokuchema kwangu; huro dzangu dzaoma; Meso angu anovava nokurindira Mwari wangu.
4. Vanondivenga ndisina mhosva vazhinji kupfuura vhudzi romusoro wangu; Avo vanoda kundiparadza vane simba, kunyange vachindivenga ndisina mhosva; Ndakafanira kudzosera zvandinenge ndisina kutora.
5. Mwari munoziva upenzi hwangu; Mhosva dzangu hadzina kukuvanzirwai.
6. Ishe Mwari wehondo, vanokurindirai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu; Mwari waIsiraeri, vanokutsvakai ngavarege kuzvidzwa nokuda kwangu.
7. Nokuti ndakatenda kushorwa nokuda kwenyu; Kunyadza kwakafukidza chiso changu.
8. Ndakava mutorwa kuhama dzangu, Nomubvakure kuvana vamai vangu.
9. Nokuti kushingairira imba yenyu kwakandipedza; Nokushora, kwavanokushorai kwakawira pamusoro pangu.
10. Panguva yokuchema kwangu nokutambudza mweya wangu ndichizvinyima, Ndakashorwa nokuda kwazvo.
11. Panguva yandakafuka masaga ndikaaita nguvo dzangu, Ndakava shumo pakati pavo.
12. Vanogara pasuo vanondireva; Ndiri chiimbo chavakabatwa nedoro.
13. Asi kana ndirini, munyengetero wangu uri kwamuri, Ishe, panguva yakafanira; Mwari, netsitsi dzenyu zhinji Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka.
14. Ndirwirei munhope, ndirege kunyura; Ndirwirwe kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika.
15. Boporodzi remvura rirege kundikunda, Mvura yakadzika irege kundimedza; Gomba rirege kuzarira muromo waro pamusoro pangu.
16. Ndipindurei, Jehovha; nokuti unyoro hwenyu hwakanaka; Ringirai kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji.
17. Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; Nokuti ndiri pakutambudzika; kurumidzai kundipindura.
18. Swederai kumweya wangu, muudzikunure; Ndidzikunurei nokuda kwavavengi vangu.
19. Munoziva kushorwa kwangu, nokunyadzwa kwangu nokuzvidzwa kwangu Vadzivisi vangu vose vari mberi kwangu.
20. Kushora kwakaputsa moyo wangu; ndaremerwa kwazvo; Ndakatsvaka vangandinzwira nyasha, asi kwakanga kusino munhu; Ndakatsvaka vavaraidzi, asi handina kuwana nomumwe.
21. Vakandipa nduru zvive zvokudya zvangu; Pakunzwa nyota kwangu vakandinwisa vhiniga.
22. Tafura yavo ngaive musungo pamberi pavo; Neriva, kana vakagarika havo.
23. Meso avo ngaapofumadzwe, varege kuona, Zviuno zvavo ngazvirambe zvichiguda-guda.
24. Dururai kutsamwa kwenyu pamusoro pavo, Hasha dzenyu dzinopfuta, ngadzivabate.
25. Ugaro hwavo ngahuparadzwe; Ngakurege kuva nomunhu anogara pamatende avo.
26. Nokuti vanotambudza uyo wamakarova; Vanotaura zvokurwadziwa kwavaya vamakakuvadza.
27. Wedzerai zvakaipa pazvakaipa zvavo; Ngavarege kupinda pakururama kwenyu.
28. Ngavadzimwe parugwaro rwoupenyu, Varege kunyorwa pamwechete navakarurama.
29. Asi ini ndiri murombo, ndinorwadziwa; Kuponesa kwenyu, Mwari, ngakundiise pakakwirira.
30. Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, Ndichamukudza nokuvonga.
31. Izvo zvichafadza Jehovha kupfuura nzombe, Kana hando ine nyanga namahwanda.
32. Vanyoro vakazviona vakafara; Imi munotsvaka Mwari, moyo yenyu ngairarame.
33. Nokuti Jehovha anonzwa vashaiwi, Haashori vasungwa vake.
34. Kudenga napasi ngazvimurumbidze, Makungwa, nezvose zvinopfakanyikamo.
35. Nokuti Mwari achaponesa Ziyoni, nokuvaka maguta aJudha, Vachagaramo, ive nhaka yavo.
36. Ichava nhaka yavana vavaranda vake; Vanoda zita rake vachagaramo.

  Psalms (69/150)