| ← Psalms (67/150) → |
| 1. | Mwari ngaatinzwire tsitsi, atiropafadze, Ngaativhenekere nechiso chake; |
| 2. | Kuti nzira yenyu izikanwe pasi, Nokuponesa kwenyu pakati pendudzi dzose. |
| 3. | Vanhu ngavakuvongei, Mwari; Vanhu vose ngavakuvongei. |
| 4. | Ndudzi ngadzifare, ngadziimbe nomufaro; Nokuti muchatonga vanhu nokururama, Muchafambisa ndudzi pasi. |
| 5. | Vanhu ngavakuvongei Mwari; Vanhu vose ngavakuvongei. |
| 6. | Pasi pakabereka zvibereko zvapo; Mwari, iye Mwari wedu, achatiropafadza. |
| 7. | Mwari achatiropafadza; Nemigumo yose yapasi ichamutya. |
| ← Psalms (67/150) → |