Psalms (66/150)  

1. Pururudzai kuna Mwari, imi nyika dzose;
2. Imbirai mukurumbira wezita rake; Rumbidzai kudzo yake.
3. Itiyi kuna Mwari, "Mabasa enyu anotyisa sei! Vavengi venyu vachazviisa pasi penyu nemhaka youkuru hwesimba renyu.
4. Pasi pose pachanamata kwamuri, Pachakuimbirai; Vachaimbira zita renyu."
5. Uyai, muone mabasa aMwari; Anotyisa pane zvaanoitira vana vavanhu.
6. Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma; Vakayambuka rwizi netsoka; Ipapo takafara maari.
7. Anobata ushe nokusingaperi nesimba rake; Meso ake anocherekedza ndudzi; Vanomumukira ngavarege kuzvikudza.
8. Vongai Mwari, imi vanhu, inzwi rokumurumbidza ngarinzwike;
9. Iye anopa mweya upenyu, Asingatenderi tsoka dzedu kuti dzitedzemuke.
10. Nokuti imi Mwari makatiidza; Makatiidza sezvinoidzwa sirivha.
11. Makatipinza pamumbure; Makatitakudza mutoro unorema pazviuno zvedu.
12. Makafambisa vanhu pamusoro pemisoro yedu, Takapinda nomumoto nemvura; Asi makatibudisa kunzvimbo inezvakawanda.
13. Ndichapinda mumba menyu nezvipiriso zvinopiswa, Ndichakuitirai mhiko dzangu,
14. Dzakarehwa nemiromo yangu, Dzakataurwa nomuromo wangu pakutambudzika kwangu.
15. Ndichakubayirai zvipiriso zvinopiswa zvezvakakora, Nezvinonhuwira zvamakondohwe; Ndichabayira nzombe pamwechete nembudzi.
16. Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari, Ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu.
17. Ndakachema kwaari nomuromo wangu, Akarumbidzwa zvikuru norurimi rwangu.
18. Kana ndikarangarira zvakaipa mumoyo mangu, Ishe haangandinzwi;
19. Asi zvirokwazvo Mwari akanzwa; Akateerera inzwi rokunyengetera kwangu.
20. Mwari ngaavongwe, Iye asina kuramba munyengetero wangu, kana kubvisa tsitsi yake kwandiri.

  Psalms (66/150)