Psalms (65/150)  

1. Imi Mwari munofanira kurumbidzwa paZiyoni; Imi munofanira kuitirwa mhiko.
2. Imi vokunzwa munyengetero, Vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri.
3. Mashoko akaipa ondikunda; Kana kuri kudarika kwedu muchakudzima imi.
4. Akaropafadzwa munhu wamunosanangura, wamunoswededza kwamuri, Kuti agare pavazhe dzenyu; Isu tichagutiswa nounaki hweimba yenyu, Iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu.
5. Mukururama kwenyu munotipindura nezvinhu zvinotyisa, Imi Mwari muponesi wedu; Imi chivimbo chamativi ose apasi, Navari kure pagungwa;
6. Iye, anoteya makomo nesimba rake; Iye, akasungwa chiuno nesimba;
7. Iye, unonyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungo awo, Nokupopota kwavanhu.
8. Naivo vagere kumigumo vanotya zviratidzo zvenyu; Munofadza mabudiro amangwanani naamadeko.
9. Munoshanyira pasi, munopadiridza, Munopafumisa kwazvo; Rwizi rwaMwari ruzere nemvura; Munovagadzirira zviyo, kana magadzira pasi saizvozvo.
10. Munozadza mihoronga yapo kwazvo; Munoenzanisa mipanje yapo; Munopanyorovesa nemvura inopfunha; Munoropafadza zvinomera zvapo.
11. Munoshongedza mwaka nekorona younaki hwenyu; Makwara enyu anodonha mafuta.
12. Anodonha pamafuro erenje; Zvikomo zvinozvisunga nomufaro.
13. Mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo; Uye mipatawo yakafukidzwa nezviyo; Zvinopururudza, zvichiimbawo.

  Psalms (65/150)