| ← Psalms (64/150) → |
| 1. | Inzwai inzwi rangu, Mwari, pakuchema kwangu; Chengetai upenyu hwangu ndirege kutyiswa nomuvengi. |
| 2. | Ndivanzei pakurangana kwakavanda kwavanoita zvakaipa; Pabope ravanobata zvakaipa; |
| 3. | Ivo vakarodza rurimi rwavo somunondo, Vakashumba miseve yavo, iwo mashoko anovava; |
| 4. | Kuti vafure akarurama, vakavanda ivo; Kamwe-kamwe vanomufura, vasingatyi. |
| 5. | Vanotsungirira pazano rakaipa; Vanorangana kuteya misungo pakavanda; Vanoti, "Ndianiko angazviona?" |
| 6. | Vanofungisa zvakaipa; Vanoti, "Tapedza kufungisa zano guru;" Kufunga kwomukati kwomumwe nomumwe, nomoyo, zvakadzika. |
| 7. | Asi Mwari achavapfura, Vachakuvadzwa kamwe-kamwe nomuseve. |
| 8. | Naizvozvo vachagumbuswa, ndimi dzavo dzichivapupurira zvakaipa; Vose vanovaona vachadzungudza musoro. |
| 9. | Vanhu vose vachatya; Vachaparidza basa raMwari, Vachicherekedza zvakanaka zvaanoita. |
| 10. | Vakarurama vachafara muna Jehovha, vachavimba naye; Vose vane moyo yakarurama vachafara kwazvo. |
| ← Psalms (64/150) → |