Psalms (64/150)  

1. Inzwai inzwi rangu, Mwari, pakuchema kwangu; Chengetai upenyu hwangu ndirege kutyiswa nomuvengi.
2. Ndivanzei pakurangana kwakavanda kwavanoita zvakaipa; Pabope ravanobata zvakaipa;
3. Ivo vakarodza rurimi rwavo somunondo, Vakashumba miseve yavo, iwo mashoko anovava;
4. Kuti vafure akarurama, vakavanda ivo; Kamwe-kamwe vanomufura, vasingatyi.
5. Vanotsungirira pazano rakaipa; Vanorangana kuteya misungo pakavanda; Vanoti, "Ndianiko angazviona?"
6. Vanofungisa zvakaipa; Vanoti, "Tapedza kufungisa zano guru;" Kufunga kwomukati kwomumwe nomumwe, nomoyo, zvakadzika.
7. Asi Mwari achavapfura, Vachakuvadzwa kamwe-kamwe nomuseve.
8. Naizvozvo vachagumbuswa, ndimi dzavo dzichivapupurira zvakaipa; Vose vanovaona vachadzungudza musoro.
9. Vanhu vose vachatya; Vachaparidza basa raMwari, Vachicherekedza zvakanaka zvaanoita.
10. Vakarurama vachafara muna Jehovha, vachavimba naye; Vose vane moyo yakarurama vachafara kwazvo.

  Psalms (64/150)