Psalms (63/150)  

1. Mwari, imi muri Mwari wangu; ndichakutsvakai mangwanani; Mweya wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura.
2. Naizvozvo ndakatarira kwamuri panzvimbo tsvene, Kuti ndione simba renyu nokubwinya kwenyu.
3. Nokuti unyoro hwenyu hunokunda upenyu; Miromo yangu ichakurumbidzai.
4. Naizvozvo ndichakuvongai ndichiri mupenyu; Ndichasimudza maoko angu nezita renyu.
5. Mweya wangu uchaguta nezvinenge mwongo namafuta; Muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo;
6. Kana ndichikurangarirai panhovo yangu, Ndichikufungai panguva dzousiku.
7. Nokuti makanga muri mubatsiri wangu, Pamumvuri wamapapiro enyu ndipo pandichafara kwazvo.
8. Mweya wangu unokunamatirai nesimba rose; Ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.
9. Asi avo, vanotsvaka kuparadza mweya wangu, Vachapinda munzvimbo dzapasi dzenyika.
10. Vachaiswa pasimba romunondo; Vachava mugove wamakava.
11. Asi mambo achafara munaMwari; Mumwe nomumwe anopika naye achafara kwazvo; Nokuti muromo wavanoreva nhema uchadzivirwa.

  Psalms (63/150)