| ← Psalms (62/150) → |
| 1. | Zvirokwazvo, mweya wangu unongorindira Mwari; Kwaari ndiko kunobva kuponeswa kwangu. |
| 2. | Ndiye oga dombo rangu nomuponesi wangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi zvikuru. |
| 3. | Muchavavarira munhu kusvikira rinhiko, Kuti mumuuraye imi mose, Sorusvingo runoda kuwa, noruzhowa runotsveyama? |
| 4. | Vanongorangana kuti vamusundire pasi abve paukuru hwake; Vanofarira nhema; Vanoropafadza nomuromo wavo, asi vanotuka mumoyo mavo. |
| 5. | Mweya wangu, rindira Mwari zvirokwazvo Nokuti ndinomutarira iye. |
| 6. | Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi. |
| 7. | Kuna Mwari ndiko kunokuponeswa kwangu nokukudzwa kwangu; Dombo resimba rangu noutiziro hwangu zviri kuna Mwari. |
| 8. | Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; Dururai moyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro hwedu. |
| 9. | Zvirokwazvo vanhu vasingakudzwi mweya chete, uye vanhu vanokudzwa inhema; Pakuyerwa havaremi; Vose pamwechete vakareruka kupfuura mweya. |
| 10. | Regai kuvimba nokumanikidza, Regai kuzvikudza pamusoro pokupambara; Kana fuma ichiwanda, regai kuinamatira nomoyo. |
| 11. | Mwari akataura kamwechete, Ndakazvinzwa kaviri; Kuti simba nderaMwari; |
| 12. | Netsitsiwo ndedzenyu, Ishe; Nokuti munoitira munhu mumwe nomumwe sezvaakabata. |
| ← Psalms (62/150) → |