Psalms (61/150)  

1. Inzwai kuchema kwangu, Mwari, Teererai munyengetero wangu.
2. Ndichadana kwamuri ndiri pamugumo wapasi, kana moyo wangu waziya; Ndiperekedzerei kudombo randisingasvikiri.
3. Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, Neshongwe yangu yakasimba kwandingatiza muvengi wangu.
4. Ndichagara patende renyu nokusingaperi; Ndichavanda munyasi mamapapiro enyu.
5. Nokuti imi Mwari makanzwa mhiko dzangu; Makadzosa nhaka yavanotya zita renyu.
6. Muchawedzera mazuva ohupenyu hwamambo; Makore ake achaenzana naamarudzi mazhinji.
7. Achagara pamberi paMwari nokusingaperi; Mumugadzirire unyoro nezvokwadi, kuti zvimuchengete.
8. Naizvozvo ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza nokusingaperi, Kuti ndiite mhiko dzangu zuva rimwe nerimwe.

  Psalms (61/150)