| ← Psalms (60/150) → |
| 1. | Mwari, makatirasha, makatiparadza; Makanga makatsamwa; Haiwa, tidzorei. |
| 2. | Makabvundisa nyika; makaitsemura; Gadzirai mitswe yayo; nokuti inozununguka. |
| 3. | Makaratidza vanhu venyu zvinhu zvinorema; Makatinwisa waini inobata. |
| 4. | Makapa vanokutyai mureza, Kuti uratidzwe nokuda kwezvokwadi. |
| 5. | Kuti vadikanwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure. |
| 6. | Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, "Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti. |
| 7. | Giriyadhi ndeyangu Manase ndeyangu; Efuremuwo inhawiro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe. |
| 8. | Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Iwe Firisitia, pururudza nokuda kwangu." |
| 9. | Ndianiko achandiisa muguta rakasimba? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu? |
| 10. | Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu. |
| 11. | Tibatsirei pamudzivisi wedu; Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo. |
| 12. | Muna Mwari tichaita noumhare; Nokuti ndiye achatsikira vadzivisi vedu pasi. |
| ← Psalms (60/150) → |