Psalms (6/150)  

1. Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandirova nekufara kwenyu kukuru.
2. Ndinzwirei nyasha, Jehovha;nokuti ndaonda; Ndiponesei,Jehovha nokuti mapfupa angu anotambudzika.
3. Mweya wangu unotambudzikawo zvikuru; Asi imwi Jehovha muchanonoka kusvikira mhiko?
4. Dzokai Jehovha, murwire mweya wangu; Ndiponesei nokuda kwevunyoro bwenyu.
5. Nokuti parufu hapana achakurangarirai; Ndiani achakuvongai paSheori?
6. Ndaneta nokugomba kwangu; Usiku humwe nohumwe ndinoshambirisa nhovo dzangu; Ndinonyorovedza mubhedha wangu nemisodzi yangu.
7. Ziso rangu rapera nokuchema, Rinosakara nokuda kwavadzivisi vangu.
8. Ibvai kwandiri, imi vabati vose vezvakaipa; Nokuti Jehovha akanzwa inzwi rokuchema kwangu.
9. Jehovha akanzwa kukumbira kwangu; Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.
10. Vavengi vangu vose vachanyadzwa nokutambudzika zvikuru; Vachadzoka, vachanyadzwa pakarepo.

  Psalms (6/150)