Psalms (59/150)  

1. Ndirwirei pavavengi vangu, Mwari wangu; Ndiisei pakakwirira kure navanondimukira.
2. Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, Ndiponesei pavanhu veropa.
3. Nokuti tarirai, vanovandira mweya wangu; Vane simba vakaungana kuzorwa neni; Hakuzi nokuda kwokudarika kwangu kana kwezvivi zvangu, Jehovha.
4. Vanomhanya nokuzvigadzira, ini ndisina mhosva hangu; Mukai mundibatsire, muone.
5. Iyemi Jehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Mukai mushanyire vahedheni vose; Musanzwira tsitsi mudariki upi noupi akaipa.
6. Vanodzoka madekwana, vanohuhudza sembwa, Vanopota neguta.
7. Tarirai, vanodzvova nemiromo Minondo iri pamiromo yavo; Nokuti vanoti, "Ndianiko anganzwa?"
8. Asi imi Jehovha muchavaseka; Muchadadira vahedheni vose.
9. Imi simba rangu, ndichakumirirai; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira.
10. Mwari wangu achandichingura netsitsi dzake; Mwari achandionesa kukundwa kwavavengi vangu.
11. Musavauraya, kuti vanhu vangu varege kukanganwa; Muvaparadzire nesimba renyu, muvawisire pasi, Ishe nhovo yedu.
12. Nokuda kwechivi chomuromo wavo, namashoko emiromo yavo, Ngavabatwe pakuzvikudza kwavo, Uye nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura.
13. Vapedzei nehasha, vapedzei, varege kuzovapo; Ngavazive kuti Mwari anobata ushe pakati paJakobho, Kusvikira kumigumo yenyika.
14. Panguva yamadekwana ngavadzoke, ngavahuhudze sembwa, Ngavapote-pote neguta.
15. Vachadzungaira vachitsvaka zvokudya, Vachagara usiku hwose kana vasingaguti.
16. Asi ini ndichaimba ndichireva simba renyu; Zvirokwazvo ndicharumbidza tsitsi dzenyu mangwanani; Nokuti makanga muri nhare yangu yakakwirira, Noutiziro hwangu pazuva rokutambudzika kwangu.
17. Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza, imi simba rangu; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira, iye Mwari anondinzwira tsitsi.

  Psalms (59/150)