| ← Psalms (58/150) → |
| 1. | Munototaura zvakarurama here, imi vane simba, Munotongera vanakomana vavanhu zvakarurama here? |
| 2. | Zvirokwazvo, mumoyo menyu munoita zvakaipa; Munoyerera vanhu pasi pose kumanikidza kwamaoko enyu. |
| 3. | Vakaipa vakava vatorwa kubva padumbu ramai; Vanotsauka vachangozvarwa, vachireva nhema. |
| 4. | Uturu hwavo hwakafanana nouturu hwenyoka; Vakafanana nechiva chisinganzwi, chinodzivira nzeve yacho; |
| 5. | Chisingateereri inzwi ren’anga, Kunyange achiimba nouchenjeri hukuru. |
| 6. | Mwari vhunai meno avo avo mumuromo mavo; Jehovha gurai meno makuru avana veshumba. |
| 7. | Ngavapwe semvura inoyerera; Kana achishumba nemiseve yake, ngaive seyakagurika. |
| 8. | Ngavafanane nehozhwa inonyakatika ichipera; Segambamwedzi romukadzi risina kuona zuva. |
| 9. | Hari dzenyu dzisati dzanzwa moto neweminzwa, Iye achadzibvisa nechamupupuri nyama igere, nomoto pamwechete. |
| 10. | Akarurama achafara kana achiona kutsiva; Achashambidza tsoka dzake muropa ravakaipa. |
| 11. | Naizvozvo vanhu vachati, "Zvirokwazvo mubayiro wowakarurama uripo; Zvirokwazvo Mwari aripo, anotonga pasi pose." |
| ← Psalms (58/150) → |