Psalms (57/150)  

1. . Ndinzwirei tsitsi, Mwari, ndinzwirei tsitsi; Nokuti mweya wangu unotizira kwamuri; Zvirokwazvo, ndichatizira kumumvuri wamapapiro enyu, Kusvikira njodzi dzapfuura.
2. Ndichadanidzira kuna Mwari Wokumusorosoro; Kuna Mwari anondiitira zvose.
3. Achatuma mubatsiri ari kudenga, andiponese, Kana iye, anovavarira kundimedza, achindishora; Mwari achatuma tsitsi dzake nezvokwadi yake.
4. Mweya wangu uri pakati peshumba; Ndinovata pasi pakati pavanopfuta somoto, Ivo vanakomana vavanhu, vana meno anenge mapfumo nemiseve, Uye rurimi rwavo munondo unopinza.
5. Imwi mukudzwe Mwari, pamusoro pokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.
6. Vakateyira tsoka dzangu mumbure; Mweya wangu wakakotamiswa; Vakachera hunza pamberi pangu; Vawira mukati mayo vamene.
7. moyo wangu wakasimba, Mwari, moyo wangu wakasimba; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.
8. Muka iwe moyo wangu, muka iwe mutengeranwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani.
9. Ndichakuvongai, Ishe, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.
10. Nokuti ngoni dzenyu ihuru kusvikira kudenga-denga, Zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose.
11. Imi mukudzwe Mwari, kumusoro kwokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.

  Psalms (57/150)