Psalms (56/150)  

1. Ndinzwirei tsitsi, Mwari; nokuti vanhu vanotsvaka kundimedza; Zuva rose vanorwa neni vachindimanikidza.
2. Vavengi vangu vanoda kundimedza zuva rose; Nokuti vanorwa neni vachizvikudza vazhinji.
3. Panguva yandinotya, Ndichavimba nemi.
4. MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; Ndakavimba naMwari, handingatyi; Nyama ingandiiteiko?
5. Zuva rose vanoshandura mashoko angu; Mifungo yavo yose inondifungira zvakaipa.
6. Vanoungana, vanovanda, Vanocherekedza makwara angu, Kana vachivandira mweya wangu.
7. Vachapukunyuka nenzira yezvakaipa here? Paradzai vanhu nokutsamwa kwenyu, Mwari.
8. Imi munoverenga madzungairiro angu; Isai misodzi yangu mumidziyo yenyu; Haizi murugwaro rwenyu here?
9. ipapo vavengi vangu vachadzokera shure nomusi wandinodana; Ndinoziva chinhu ichi, kuti Mwari ari kurutivi rwangu.
10. MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; MunaJehovha ndicharumbidza shoko rake.
11. Ndakavimba naMwari, handingatyi; Vanhu vangandiiteiko?
12. Ndinosungwa nezvandakakupikirai Mwari; Ndichakuvigirai zvipiriso zvokuvonga nazvo.
13. Nokuti makarwira mweya wangu parufu; Namakumbo angu pakugumburwa. Kuti ndifambe pamberi paMwari Muchiedza choupenyu.

  Psalms (56/150)